bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
1 John 3
1 John 3
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
1
Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari; ndizvo zvatiriwo; saka nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye.
2
Vadikanwi, zvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Tinoziva kuti kana achizooneswa, isu tichafanana naye; nokuti tichamuona sezvaakaita.
3
Mumwe nomumwe ane tariro iyi kwaari, anozvichenesa sezvaakachena iye.
4
Mumwe nomumwe anoita zvivi, anodarika nomurairowo; zvivi ndiko kudarika murairo.
5
Munoziva kuti iye akaoneswa kuti abvise zvivi; maari hamuna zvivi.
6
Mumwe nomumwe anogara maari, haaiti zvivi; mumwe nomumwe anoita zvivi, haana kumuona kana kumuziva.
7
Vana vaduku, musatsauswa nomunhu; uyo, anoita zvakarurama, akarura, saiye akarurama.
8
Uyo, anoita zvivi, ndowaDhiabhori, nokuti Dhiabhori anoita zvivi kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaoneswa nemhaka iyi kuti aparadze mabasa aDhiabhori.
9
Mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haaiti zvivi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita zvivi, nokuti akaberekwa naMwari.
10
Vana vaMwari vanooneswa naizvozvi, navana vaDhiabhori; mumwe nomumwe asingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyewo asingadi hama yake.
11
Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidane;
12
tisingaiti saKaini, akanga ari wowakaipa, akauraya munun'una wake. Akamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunun'una wake akanga akarurama.
13
Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.
14
Tinoziva kuti takabva murufu, tapinda muupenyu, nokuti tinoda hama. Uyo, asingadi, anogara murufu.
15
Mumwe nomumwe anovenga hama yake, muurayi; munoziva kuti hakuna muurayi ano upenyu husingaperi hugere maari.
16
Ndozvatinoziva rudo nazvo, kuti akatipa upenyu hwake; nesuwo tinofanira kupa hama upenyu hwedu.
17
Asi kana munhu ane pfuma yenyika, akaona hama yake ichishayiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara seiko maari?
18
Vana vaduku, ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi nebasa nechokwadi.
19
Ndozvatichaziva nazvo kuti tiri vechokwadi, tigosimbisa mwoyo yedu pamberi pake;
20
nokuti kana mwoyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru kumwoyo yedu, anoziva zvose.
21
Vadikwanwi, kana mwoyo usingatipi mhaka, tinako kusatya pamberi paMwari;
22
uye zvose zvatinokumbira tinopiwa naye, nokuti tinochengeta mirairo yake, tichiita zvinomufadza.
23
Ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye tidane, sezvaakatirayira.
24
Anochengeta mirairo yake, anogara maari, naiye maari. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti anogara matiri; noMweya waakatipa.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5