bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
1 John 2
1 John 2
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
1
Vana vangu vaduku, ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tinomurevereri kuna Baba, iye Jesu Kristu akarurama;
2
ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haasi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yosewo.
3
Ndizvo zvinotizivisa kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake.
4
Uyo, anoti ndinomuziva, asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, chokwadi hachisi maari;
5
asi uyo, anochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakwaniswa maari zvirokwazvo. Ndizvo zvinotizivisa kuti tiri maari;
6
uyo, anoti, ndinogara maari, anofanira kufambawo sezvaakafamba iye.
7
Vadikanwi, handikunyorerei murairo mutsva, asi murairo wekare, wamakanga munawo kubva pakutanga; murairo wekare ndiro shoko ramakanzwa.
8
Pamwezve ndinokunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chechokwadi kwaari nokwamuri; nokuti rima ropfuura, chiedza chechokwadi chotovhenekera.
9
Uyo, anoti, ndiri muchiedza, achivenga hama yake, achiri murima kusvikira zvino.
10
Anoda hama yake, anogara muchiedza, hapana chigumbuso maari.
11
Asi anovenga hama yake, ari murima, anofamba murima haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake.
12
Ndinokunyorerai, vana vaduku, nokuti makaregererwa zvivi nokuda kwezita rake.
13
Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, vana vaduku, nokuti munoziva Baba.
14
Ndakunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti mune simba, neshoko raMwari rinogara mamuri, makakunda wakaipa.
15
Musada nyika kunyangwe nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.
16
Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwemeso nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi panyika.
17
Nyika inopfura nokuchiva kwayo; asi anoita kuda kwaMwari, anogara nokusingaperi.
18
Vanana, inguva yokupedzisira; sezvamakanzwa kuti Andikristu anouya, nazvino vanaAndikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira.
19
Vakabva kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nokuti dai vaiva vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabva kuti vaonekwe kuti vose havasi vedu.
20
Imi munokuzodzwa kunobva kuna iye Mutsvene, munoziva mose.
21
Handina kukunyorerai ndichiti hamuzivi chokwadi, asi nokuti munochiziva, uye nokuti hakuna nhema dzingabva pachokwadi.
22
Ndianiko murevi wenhema, kana asati ari iye anoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye Andikristu, anoramba Baba noMwanakomana.
23
Ani naani anoramba Mwanakomana, naiye haana Babawo.
24
Kana murimi, izvo zvamakanzwa kubva pakutanga, ngazvigare mamuri. Kana izvo zvamakanzwa kubva pakutanga zvichigara mamuri, nemiwo muchagara muMwanakomana, nomuna Baba.
25
Ndichochi chipikirwa chaakatipikira, ndihwo upenyu husingaperi.
26
Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pavanokutsausai.
27
Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodza kwake, sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, kuri kwechokwadi, chisati chiri nhema, sezvakwakunodzidzisai, garai maari.
28
Zvino, vana vaduku, garai maari, kuti, kana achizooneswa, tive nokusatya, tirege kunyadziswawo pamberi pake pakuuya kwake.
29
Kana muchiziva kuti iye akarurama, zivaiwo kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5