bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
1 John 4
1 John 4
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
1
Vadikanwi, musatenda mweya yose, asi muedze mweya, kuti muone kana yakabva kuna Mwari; nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika.
2
Ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari; Mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama, ndowaMwari.
3
Mweya mumwe nomumwe usingapupuri Jesu, hauzi waMwari; iwo ndowaAndikristu, wamakanzwa kuti anouya; nazvino atova panyika.
4
Vana vaduku, imi, muri vaMwari, makavakunda, nokuti uyo, ari mamuri, mukuru kuna iye, uri munyika.
5
Ivo ndovenyika, naizvozvo vanotaura savenyika, nenyika inovanzwa.
6
Isu tiri vaMwari; anoziva Mwari, anotinzwa; asiri waMwari, haatinzwi. Ndizvo zvatinoziva nazvo Mweya wechokwadi, nomweya wokutsauka.
7
Vadikanwi, ngatidane; nokuti rudo runobva kuna Mwari; mumwe nomumwe, anoda, akaberekwa naMwari, anoziva Mwari.
8
Asingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.
9
Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa ari mumwechete, munyika, kuti tive noupenyu naye.
10
Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu.
11
Vadikanwi, kana Mwari akatida saizvozvo, nesuwo tinofanira kudana.
12
Hakuna munhu akamboona Mwari; kana tichidana, Mwari anogara matiri, norudo rwake runokwaniswa matiri.
13
Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake.
14
Isu takaona, uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika.
15
Ani naani anopupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari.
16
Nesu takaziva, tikatenda rudo urwu Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo; anogara murudo, anogara muna Mwari, naMwari maari.
17
Rudo rwakakwaniswa matiri pachinhu ichi, kuti tirege kutya nezuva rokutongwa; nokuti sezvaakaita iye, ndizvo zvatakaitawo panyika ino.
18
Hakuna kutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya, nokuti kutya kunorohwa; munhu, anotya, haana kukwaniswa parudo.
19
Isu tinoda, nokuti iye akatanga kutida.
20
Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti asingadi hama yake yaakaona, angada seiko Mwari, waasina kuona?
21
Iwoyu murairo wakabva kwaari, tinawo, wokuti anoda Mwari, ngaadewo hama yake.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5