bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
1 Kings 13
1 Kings 13
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 14 →
1
Zvino tarira, mumwe munhu waMwari akanga arairwa neshoko raJehovha, wakabva kwaJudha, akasvika Bhetieri; Jerobhoamu wakanga amire paatari achipisa zvinonhuwira.
2
Iye akadanidzira kuatari, neshoko raJehovha, akati, “Iwe atari, atari, zvanzi naJehovha, Tarirai, imba yaDhavhidhi ichaponerwa mwanakomana, uchanzi Josiya; iye uchabaya pamusoro pako vapristi vamatunhu akakwirira, vanopisira zvinonhuwira pamusoro pako, uye vachapisa mapfupa avanhu pamusoro pako.”
3
Akavapa chiratidzo nezuva iro, akati, “Ndicho chiratidzo chakataurwa naJehovha, Tarirai, atari ichapamuka, namadota ari pamusoro payo acharashirwa pasi.”
4
Zvino mambo wakati achinzwa shoko romunhu waMwari, raakadanidzira kuatari paBhetieri Jerobhoamu akasimudza ruoko rwake paatari, akatendeka narwo, akati, “Mubatei!” Ipapo ruoko rwake rwaakanga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosazve.
5
Aritariwo yakapamuka, namadota akarashirwa pasi paatari, chiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari chikaitika, icho chakanga charairwa naJehovha.
6
Ipapo mambo akapindura, akati kumunhu waMwari, “Kumbira hako kuna Jehovha Mwari wako andinzwire nyasha, undinyengeterere, kuti ndiporeserwezve ruoko rwangu.” Munhu waMwari akanyengetera kuna Jehovha, mambo akaporeserwazve ruoko rwake, rukaita sakare.
7
Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, “Enda neni kumba kwangu, uzvisimbisepo, ini ndikupewo mubairo.”
8
Asi munhu waMwari wakati kuna mambo, “Kunyangwe mukandiganhurira imba yenyu napakati, handingapindi kwamuri, kunyangwe kudya zvokudya, kana kunwa pano;
9
nokuti Jehovha akandiraira neshoko rake, akati, ‘Usadya zvokudya, kana kunwa mvura, kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.’ ”
10
Naizvozvo akadzoka neimwe nzira, haana kudzoka nenzira yaakanga aenda nayo Bhetieri.
11
Zvino paBhetieri pakanga pagere muporofita mutana; mwanakomana wake akandomuudza mabasa ose akaitwa nomunhu waMwari paBhetieri pazuva iro; namashoko aakataura kuna mambo, naiwo vakaudzawo baba vavo.
12
Ipapo baba vavo vakati kwavari, “Waenda nenzira ipiko?” Zvino vana vake vakanga vaona nzira yaendwa nayo nomunhu waMwari wokwaJudha.
13
Akati kuvanakomana vake, “Ndisungirei chityaro pambongoro;” ivo vakamusungira chityaro pambongoro, akaitasva.
14
Akatevera munhu waMwari, akamuwana agere pasi pomuti womuoki, ndokuti kwaari, “Ndiwe munhu waMwari wakabva kwaJudha here?” Akati, “Ndini.”
15
Ipapo akati kwaari, “Hendei kumba kwangu, undodya zvokudya.”
16
Iye akati, “Handingagoni kudzoka nemi kana kupinda kwamuri, handingadyi zvokudya, kana kunwa mvura nemi pano;
17
nokuti ndakarairwa neshoko raJehovha, akati, ‘Usadya zvokudya, kana kunwa mvurapo kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.’ ”
18
Ipapo akati kwaari, “Neniwo ndiri muporofita sewe; zvino mutumwa wakandiudza shoko raJehovha, akati, ‘Dzoka naye kumba kwako, adye zvokudya nokunwa mvura.’ ” Akareva nhema kwaari.
19
Naizvozvo akadzoka naye, akandodya zvokudya mumba make nokunwa mvura.
20
Zvino vakati vagere patafura, shoko raJehovha rikasvika kumuporofita wakamudzosa,
21
akadanidzira kumunhu waMwari, wakanga abva kwaJudha, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Zvausina kuteerera muromo waJehovha, ukasachengeta murairo wawakarairwa naJehovha Mwari wako,
22
ukadzoka, ukadya zvokudya, ukanwa mvura’ ipapo paakati kwauri, ‘Usadya zvokudya nokunwa mvura, naizvozvo chitunha chako hachingasviki muhwiro hwamadzibaba ako.’ ”
23
Zvino wakati adya zvokudya, nokunwa, akasungirira chityaro pambongoro, iye muporofita waakadzosa.
24
Zvino wakati aenda, shumba ikasangana naye munzira, ikamuuraya, chitunha chake chikakandirwa munzira, mbongoro ikamira nacho, uye shumbawo ikamira pachitunha.
25
Zvino wonei, vanhu vakapfuura napo, vakaona chitunha chakakandirwa munzira, uye shumba imire pachitunha; vakaenda, vakandozviudza vanhu muguta, makanga mugere muporofita mutana.
26
Zvino muporofita, wakamudzosa panzira, wakati achizvinzwa, akati, “Ndiye munhu waMwari usina kuteerera muromo waJehovha; naizvozvo Jehovha akamukweverera pashumba, ikamubvambura, ikamuuraya, sezvakarehwa neshoko raJehovha raakataura kwaari.”
27
Akati kuvanakomana vake, “Ndisungirirei chityaro pambongoro,” vakaisungira chityaro.
28
Akaenda, akandowana chitunha chake chakakandirwa munzira, uye mbongoro neshumba zvimire pachitunha; shumba yakanga isina kudya chitunha kana kubvambura mbongoro.
29
Ipapo muporofita akasimudza chitunha chomunhu waMwari, akachiisa pamusoro pembongoro, akadzoka nacho; akasvika kuguta romuporofita mutana, akamuchema nokumuviga.
30
Akaisa chitunha chake muhwiro hwake; vakamuchema, achiti, “Haiwa, munun'una wangu!”
31
Zvino wakati amuviga, akataura navanakomana vake, akati, “Kana ndafa, mundivige muhwiro makavigwa munhu waMwari; muise mapfupa angu kurutivi rwamapfupa ake;
32
nokuti izvo zvaakataura, paakadanidzira achirairwa naJehovha, kuatari paBhetieri, nokudzimba dzose dzamatunhu akakwirira, ari pamaguta eSamaria, zvichaitika zvirokwazvo.”
33
Pashure pechinhu ichi Jerobhoamu haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi wakatsaurazve vamwe pakati pavanhu vose, akavaita vapristi pamatunhu akakwirira; Ani naani waaida, waimugadza, akavaita vapristi pamatunhu akakwirira.
34
Chinhu ichi chikava chivi paimba yaJerobhoamu, kuti iparadzwe nokupedzwa panyika.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22