bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
1 Kings 18
1 Kings 18
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 19 →
1
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, shoko raJehovha rikasvika kuna Eriya negore rechitatu, richiti, “Enda undozviratidza kuna Ahabhi; ndigotuma mvura panyika.”
2
Ipapo Eria akandozviratidza kuna Ahabhi. Zvino nzara yakanga yanyanya kwazvo paSamaria.
3
Ahabhi akadana Obhadhia, iye wakanga ari mutariri weimba yake. (Zvino Obhadhiya wakanga achitya Jehovha kwazvo;
4
nokuti nenguva iyo Jezebheri yaakaparadza nayo navaporofita vaJehovha, Obhadhiya wakatora vaporofita vane zana, akavavanza makumi mashanu namakumi mashanuzve mubako, akavapa chingwa nemvura.)
5
Zvino Ahabhi akati kuna Obhadhiya, “Famba nenyika, kumatsime emvura, nokuhova dzose; zvimwe tingawana bundo, tiraramise mabhiza namahesera, tirege kurashikirwa nezvipfuwo zvose.”
6
Naizvozvo vakagovana nyika, kuti vafambe nayo; Ahabhi akaenda ari oga kuno rumwe rutivi, Obhadhiya akaendawo ari oga kuno rumwe rutivi.
7
Zvino Obhadhiya wakati ari panzira, Eriya akasangana naye; akamuziva, akawira pasi nechiso chake, akati, “Ndimi here, ishe wangu Eriya?”
8
Iye akamupindura, akati, “Ndini; enda unoudza ishe wako, uti, ‘Tarirai, Eriya ari pano.’ ”
9
Iye akati, “Ndatadzeiko, zvamoda kuisa muranda wenyu mumaoko aAhabhi, andiuraye?
10
NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, hapano rudzi kana ushe kwaasina kutuma iye ishe wangu kukutsvakai; kana vakati, ‘Haapo pano, waipikisa ushe uhwo kana rudzi urwo, kuti havana kukuwanai.’
11
Zvino moti, ‘Enda undoudza ishe wako,’ uti, ‘Eriya ari pano.’
12
Zvimwe ndichangobva kwamuri, Mweya waJehovha ndokukuisai kwandisingazivi; zvino kana ndikandoudza Ahabhi, akakushayai, uchandiuraya; asi ini muranda wenyu ndinotya Jehovha kubva pauduku hwangu.
13
Ishe wangu hamuna kuudzwa here zvandakaita panguva iya Jezebheri yaakauraya nayo vaporofita vaJehovha kuti ndakavanza vaporofita vaJehovha, vane zana, makumi mashanu namakumi mashanu mubako, ndikavapa zvingwa nemvura?
14
Zvino moti, ‘Chindoudza ishe wako,’ uti, ‘Eriya ari pano.’ ” Iye uchandiuraya.
15
Eriya akati, “NaJehovha wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, ndichazviratidza kwaari nhasi zvirokwazvo.”
16
Naizvozvo Obhadhia akaenda kuna Ahabhi, akamuudza Ahabhi akandosangana naEriya.
17
Zvino Ahabhi wakati achiona Eriya, Ahabhi akati kwaari, “Ndiwe here, iwe mutambudzi waIsiraeri?”
18
Iye akati, “Ini handina kutambudza Isiraeri; asi ndiwe neimba yababa vako, nokuti makasiya mirairo yaJehovha, mukatevera vaBhaari.
19
Naizvozvo zvino chituma vanhu uunganidze VaIsiraeri vose pagomo reKarimeri, navaporofita vaBhaari vana mazana mana vanodya patafura yaIzebheri.”
20
Naizvozvo Ahabhi akatuma vanhu kuvana VaIsiraeri vose, akaunganidza vaporofita pagomo reKarimeri.
21
Zvino Eriya akaswedera kuvanhu vose, akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira rinhiko? Kana Jehovha ari Mwari, mumutevere, kana ari Bhaari, mumutevere iye.” Asi vanhu havana kupindura shoko rimwe.
22
Ipapo Eriya akati kuvanhu, “Ini, iyeni ndoga, ndini ndasara kuvaporofita vaJehovha, asi vaporofita vaBhaari vanosvika varume vana mazana mana namakumi mashanu.”
23
Naizvozvo ngavatipe nzombe mbiri, ivo vazvitsaurire nzombe imwe, vaiguranye, vaiise pamusoro pehuni, asi varege kuisa moto pasi payo; neniwo ndichagadzira imwe nzombe, ndichiisa pamusoro pehuni, asi ndisingaisi moto pasi payo.
24
Zvino imi mudane zita ramwari wenyu, ini ndidanewo zita raJehovha; Mwari unopindura nomoto, iye ngaave Mwari. Vanhu vose vakapindura, vakati, “Zvarehwa zvakanaka.”
25
Ipapo Eria akati kuvaporofita vaBhaari, “Chizvitsaurirai nzombe imwe, mutange kuigadzira, nokuti muri vazhinji; mudane zita ramwari wenyu, asi murege kuisa moto pasi payo.”
26
Ivo vakatora nzombe yavakanga vapiwa, vakaigadzira, vakadana zita raBhaari kubva mangwanani kusvikira masikati makuru, vachiti, “Bhaari, tinzwei!” Asi kwakanga kusine zwi kana unopindura. Vakapoteredza atari yakanga yavakwa vachipembera.
27
Zvino panguva yamasikati makuru Eriya akavaseka, akati, “Danidzirai kwazvo; nokuti mwari, zvimwe ari pakufunga, zvimwe waenda kumwe, zvimwe wafamba rwendo, kana zvimwe uvete hake, anofanira kumutswa.”
28
Ipapo vakadanidzira kwazvo, vakazvicheka netsika dzavo neminondo namapfumo, kusvikira ropa richidzutuka kwavari.
29
Masikati makuru akati apfuura, vakaporofita kusvikira panguva yokubayira chipo chamadekwana; asi kwakanga kusina zwi kana unopindura, kana wakanga achiteerera.
30
Ipapo Eriya akati kuvanhu vose, “Swederai kwandiri;” vanhu vose vakaswedera kwaari. Zvino wakagadzira atari yaJehovha yakanga yaputswa.
31
Eriya akatora mabwe ane gumi namaviri akaenzana namarudzi avana vaJakobho, iye, wakanga audzwa naJehovha, zvichinzi, “Zita rako richanzi Isiraeri.”
32
Akavaka atari namabwe iwayo nezita raJehovha, akachera goronga rakakomba atari rakanga rakaenzana napangadzvarwa zviyero zviviri zvezviyo.
33
Akaronga huni, akaguranya nzombe, akaiisa pamusoro pehuni, akati, “Chizadzai zvirongo zvina nemvura, muidire pamusoro pechipiriso chinopiswa, napamusoro pehuni.”
34
Akati, “Itai izvozvo rwechipiri,” vakazviita rwechipiri. Akati, “Itai izvozvo rwechitatu;” vakazviita rwechitatu.
35
Mvura ikayerera, ikapoteredza atari; akazadza negorongawo nemvura.
36
Nenguva yokubayira chipo chamadekwana, muporofita Eriya akaswedera, akati, “Imi Jehovha, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaIsiraeri, ngazvizivikanwe nhasi kuti ndimi Mwari pakati paIsiraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarairwa nemi.
37
Ndinzwei Jehovha, ndinzwei, kuti vanhu ava vazive kuti imi Jehovha ndimi Mwari, uye kuti ndimi makadzosazve mwoyo yavo.”
38
Ipapo moto waJehovha akaburuka, ukapedza chipiriso chinopiswa, nehuni, namabwe, neguruva, ukananzva mvura yakanga iri mugoronga.
39
Vanhu vose vakati vachizviona, vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, “Jehovha ndiye Mwari, Jehovha ndiye Mwari!”
40
Eriya akati kwavari, “Batai vaporofita vaBhaari, varege kupukunyuka kunyangwe nomumwe wavo.” Vakavabata. Eriya akaburuka navo kurukova Kishoni, akavaurayirapo.
41
Eriya akati kuna Ahabhi, “Chirongedzai, mudye, munwe, nokuti kuno kuunga kwemvura zhinji.”
42
Naizvozvo Ahabhi akarongedza kundodya nokunwa. Eriya akakwira pamusoro pegomo reKarimeri, akagwadamira pasi, akaisa chiso chake pakati pamabvi ake;
43
akati kumuranda wake, “Chikwira zvino, utarire kurutivi rwegungwa.” Akakwira akatarira, akati, “Hakuna chinhu.” Akati, “Endazve, kanomwe.”
44
Zvino panguva yechinomwe akati, “Tarirai, kune gore duku, rinokwira richibva mugungwa, rakafanana nechanza chomunhu.” Akati, “Enda, undoti kuna Ahabhi, ‘Sungai ngoro yenyu, muburuke, kuti murege kudzivirirwa nemvura.’ ”
45
Zvino nguva duku yakati yapfuura, denga rikasviba namakore nemhepo, mvura zhinji ikanaya. Ahabhi akaenda nengoro, akasvika Jezereri.
46
Ruoko rwaJehovha rukasimbisa Eriya; akazvisunga chiuno chake, akamhanya pamberi paAhabhi kusvikira pasuwo reJezereri.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22