bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
1 Kings 19
1 Kings 19
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 20 →
1
Zvino Ahabhi wakaudza Jezebheri zvose zvakanga zvaitwa naEriya, zvokuuraya kwake vaporofita vose nomunondo.
2
Ipapo Jezebheri akatuma nhume kuna Eriya, akati, “Vamwari ngavandirove, ngavarambe vachidaro, kana ini ndikasafananidza upenyu hwako noupenyu hwomumwe wavo mangwana nenguva ino.”
3
Zvino wakati achiona izvozvo, akasimuka, akatiza, kuti arege kuurayiwa, akasvika paBheerishebha raiva raJudha, akasiya muranda wake ipapo.
4
Asi iye wakafamba rwendo rwezuva rimwe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati, “Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama.”
5
Akavata pasi, akavata hope pasi pomurara. Zvino mutumwa akamugunzva, akati kwaari, “Simuka, udye.”
6
Akatarira, akaona pedyo nomusoro wake chingwa chiduku chakanga chagochwa pamazimbe, nechirongo chemvura. Akadya, akanwa, akavata pasizve.
7
Mutumwa waJehovha akasvikazve rwechipiri, akamugunzva, akati, “Simuka, udye, nokuti uchakundwa norwendo.”
8
Akasimuka, akadya, akanwa, akafamba asimbiswa nezvokudya izvo, mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana kusvikira paHorebhu, pagomo raMwari.
9
Akapindapo mubako, akagarapo. Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, rikati, “Unobateiko pano Eriya?”
10
Iye akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari wehondo kwazvo, nokuti vana VaIsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa atari dzenyu, nokuuraya vaporofita venyu nomunondo; ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.”
11
Iye akati, “Enda, undomira pagomo pamberi paJehovha.” Zvino Jehovha akapfuurapo, mhepo huru ine simba ikapamura makomo, ikaputsanya mabwe pamberi paJehovha; asi Jehovha akanga asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuura, kudengenyeka kwenyika kukavapo; asi Jehovha akanga asiri mukudengenyeka kwenyika.
12
Kudengenyeka kwenyika kwakati kwapfuura, moto ukatevera; asi Jehovha akanga asiri mumoto; moto wakati wapfuura, kufefetera kwokudzikama kukavapo.
13
Zvino Eriya wakati achizvinzwa, akafukidza chiso chake nenguo yake, akabuda, akandomira pamuromo webako. Ipapo izwi rikasvika kwaari, rikati, “Unobateiko pano, Eriya?”
14
Iye akati, “Ndakanga ndichishingaira Jehovha Mwari wehondo kwazvo; nokuti vana VaIsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa atari dzenyu, vakauraya vaporofita venyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.”
15
Zvino Jehovha akati kwaari, “Dzoka nenzira yako yokurenje reDhamasikosi; kana wasvikapo, uzodze Hazaeri, ave mambo weSiria,
16
naJehu mwanakomana waNimishi umuzodze ave mambo waIsiraeri, naErisha mwanakomana waShafati weAbherimehora, umuzodze ave muporofita panzvimbo yako.
17
Nokuti unopukunyuka pamunondo waHazaeri, uchaurayiwa naJehu; unopukunyuka pamunondo waJehu, uchaurayiwa naErisha.
18
Kunyangwe zvakadaro ndichasiya pakati paIsiraeri zviuru zvinomwe zvavanhu vasina kupfugamira Bhaari namabvi avo, vasina kumutsvoda nemiromo yavo.”
19
Naizvozvo akabvapo, akandowana Erisha mwanakomana waShafati, wakanga achirima nenzombe dzakasungwa pamajoko ane gumi namaviri, iye ari pajoko regumi namaviri; Eriya akapfuura nokwaari, akakanda nguo yake pamusoro pake.
20
Iye akasiya nzombe, akamhanya achitevera Eriya, akati, “Nditenderei henyu ndimbondotsvoda baba vangu namai vangu, ndigokuteverai.” Iye akati kwaari, “Chidzoka hako, nokuti ndakuiteiko?”
21
Akadzoka pakumutevera, akatora nzombe dzejoko iro, akadzibaya, akagocha nyama yadzo achiita nhumbi dzadzo huni, ndokupa vanhu, ivo vakadya. Zvino wakasimuka, akatevera Eriya, akamubatira.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22