bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
1 Kings 17
1 Kings 17
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 18 →
1
Zvino Eriya muTishibhi, waigara Giriadhi, wakati kuna Ahabhi, “NaJehovha mupenyu, Mwari waIsiraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini.”
2
Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari richiti,
3
“Chibva pano, uende kurutivi rwamabvazuva, undovanda parukova Keriti, ruri pamberi paJodhani.
4
Unofanira kunwa mvura yorukova, uye ndakaraira makunguo kukupa zvokudya ipapo.”
5
Naizvozvo akaenda, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; wakandogara parukova Keriti ruri pamberi paJodhani.
6
Makunguo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, nechingwa nenyama madekwana; akanwa mvura yorukova.
7
Zvino nguva yakati yapfuura rukova rukapwa, nokuti mvura yakanga isinganayi panyika.
8
Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti,
9
“Simuka, uende Zarefati panyika yeZidhoni, ugarepo; tarira, ndaraira chirikadzi igerepo, kuti ikupe zvokudya.”
10
Naizvozvo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati asvika pasuwo reguta, akaona chirikadzi yakanga igerepo, ichiunganidza tutsotso; akamudana, akati, “Nditorerewo mvura shomanene mumukombe, ndinwe.”
11
Zvino wakati achienda kuzoitora, akamudana, akati, “Dondivigirawo chimedu chechingwa muruoko rwako.”
12
Iye akati, “NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa, asi tsama imwe youpfu mudende, namafuta mashomanene muchinu; tarirai, ndakanga ndichiunganidza tutsotso tuviri, ndichiti ndoenda ndizvigadzirire ini nomwanakomana wangu, tidye, tife hedu.”
13
Ipapo Eriya akati kwaari, “Usatya hako, enda undoita chingwa chiduku, undivigire icho, ugozviitira iwe nomwanakomana wako pashure.
14
“Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Upfu huri mudende haungaperi, namafuta ari muchinu haangashaikwi, kusvikira pazuva Jehovha raachanaisa naro mvura panyika.’ ”
15
Iye akaenda, akandoita sezvakataura Eriya; iye mukadzi, naiye Eriya, neimba yake, vakadya mazuva mazhinji.
16
Upfu hwakanga huri mudende hauna kupera, namafuta akanga ari muchinu haana kushaikwa, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waEriya.
17
Zvino pashure paizvozvo mwanakomana womukadzi, mwene weimba, akarwara; kurwara kwake kukanyanya kwazvo, kusvikira apererwa nomweya.
18
Mukadzi akati kuna Eriya, “Ndineiko nemi, imi munhu waMwari? Makapinda mumba mangu kuti zvivi zvangu zvirangarirwe, uye kuti mwanakomana wangu aurawe here?”
19
Akati kwaari, “Ndipe mwanakomana wako.” Akamutora pachipfuva chomukadzi, akamutakurira kuimba yokumusoro, kwaaigara, akamuradzika panhoo yake,
20
akadanidzira kuna Jehovha, akati, “Jehovha Mwari wangu, makaitireiko chirikadzi yandigere nayo chakaipa chakadai, zvamauraya mwanakomana wake?”
21
Akatsiyama pamusoro pomwana katatu, akadanidzira kuna Jehovha, akati, “Jehovha Mwari wangu, ndinokumbira, mweya womwana uyu ngaudzokerezve kwaari.”
22
Jehovha akanzwa izwi raEriya, mweya womwana ukadzokerazve kwaari, akararamazve.
23
Ipapo Eriya akatora mwana, akaburuka naye paimba yokumosoro, akamuisa mumba, akamupa mai vake. Eriya akati, “Tarira, mwana wako mupenyu.”
24
Mukadzi akati kuna Eriya, “Zvino ndinoziva kuti muri munhu waMwari, uye kuti shoko raJehovha, riri mumuromo menyu, nderazvokwadi.”
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22