bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Corinthians 11
2 Corinthians 11
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 12 →
1
Dai muchindiitira mwoyo murefu paduku paupenzi hwangu; asi munondiitira henyu mwoyo murefu.
2
Nokuti ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai nomurume mumwe, kuti ndikuisei kuna Kristu semhandara yakachena.
3
Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Evha namano ayo, zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomwoyo kuri kuna Kristu.
4
Nokuti kana mumwe achiuya anoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira, kana imwe vhangeri, yamusina kumbotenda, zvino momuitira mwoyo murefu kwazvo.
5
Nokuti ndinoti handizi muduku napaduku–duku kuvapostori vanopfuura vamwe vose.
6
Zvino kunyangwe ndisinganatsi pakutaura, handina kudaro pakuziva; asi pazvinhu zvose takaratidza izvozvo kwamuri pamberi pavose.
7
Ndakatadza here zvandakazvininipisa kuti imi mukudzwe, zvandakakuparidzirai Vhangeri yaMwari ndisingapiwi mubairo?
8
Dzimwe Chechi ndakadzitorera, ndichireva mubairo, kuti ndikushumirei imi.
9
Uye, panguva yandakanga ndiri kwamuri, ndichishayiwa, handina kuremedza munhu; nokuti zvandakashaiwa ndakapiwa nehama dzaibva Masedhonia; pazvinhu zvose ndakachenjera kuti ndirege kukuremedzai, uye ndicharamba ndichichenjera.
10
Chokwadi chaKristu chiri mandiri, ndinoti kuzvirumbidza uku hakungandidzivisirwi kunyika yeAkaia.
11
Nemhaka yeiko? Nokuti handikudi here? Mwari anoziva.
12
Asi chinhu ichi chandinoita, ndinochiita, kuti ndishayise nzira ivo vanotsvaka nzira; kuti vawanikwe vakaita sesu pazvinhu izvozvo zvavanozvirumbidza nazvo.
13
Nokuti vakadaro vapostori venhema, vanobata nokunyengera, vanozvishandura vachizviita vapostori vaKristu.
14
Naizvozvi hazvishamisi; nokuti kunyangwe naSataniwo anozvishandura, achizviita somutumwa wechiedza.
15
Naizvozvo hachizi chinhu chikuru, kana vashumiri vake vachishandurawo, vachizviita savashumiri vokururama; kuguma kwavo kuchava sezvavakabata basa.
16
Ndinopamhidza, ndichiti: Ngakurege kuva nomunhu anoti ndiri benzi; asi kana muchidaro henyu, ndigamuchirei sebenzi, kuti ndizvirumbidze hangu zvishomawo.
17
Zvandinotaura, handizvitauri sezvinobva kuna Ishe, asi sapaupenzi hwangu, pakuzvitenda uku kwatinozvirumbidza nako.
18
Vazhinji zvavanozvirumbidza panyama, neniwo ndichazvirumbidza.
19
Nokuti munoitira mapenzi mwoyo murefu nomufaro, imi muri vakachenjera;
20
nokuti munoita nomwoyo murefu kana munhu achikuitai varanda, kana achikuparadzai, kana achikutapai, kana achizvikudza, kana achikurovai kumeso.
21
Ndinoreva ndichizvishora, ndichiti takanga tisina simba kudaro. Zvino kana kuno munhu anotsunga, (ndinotaura sebenzi), neni ndinotsungawo.
22
Ivo vaHebheru here? Neniwo. Ivo VaIsiraeri here? Neniwo. Ivo vana vaAbhurahamu here? Neniwo.
23
Ivo vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura somunhu anopenga), zvikuru ini; pamabasa ndinovapfuura, pakurohwa zvikuru–kuru, parufu kazhinji.
24
Ndakarohwa navaJudha kashanu shamhu dzina makumi matatu nepfumbamwe.
25
Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa namabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe, usiku humwe namasikati ndakanga ndiri mugungwa;
26
panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwangu, panjodzi dzavahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;
27
pakubata basa napakutambura, pakuvata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuzvinyima zvokudya kazhinji, pachando napakushayiwa zvokufuka.
28
Kunze kwaizvozvi, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira Chechi dzose.
29
Ndianiko asina simba, neni ndikasava nesimba? Ndianiko anogumburwa, neni ndikasarwadziwa?
30
Kana ndikafanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza nezvinhu zvoutera hwangu.
31
Mwari, Baba vaIshe Jesu, anokudzwa nokusingaperi, anoziva kuti handirevi nhema.
32
PaDhamasikosi mubati pasi pamambo Areta akarinda guta raveDhamasikosi, achitsvaka kundibata;
33
ndikaburuswa ndiri mudengu napahwindo parusvingo, ndikatiza pamaoko ake.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13