bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Corinthians 8
2 Corinthians 8
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
1
Zvino tinokuzivisai, hama dzangu, nyasha dzaMwari dzakapiwa pachechi dzeMasedhonia;
2
kuti pakati pokuedzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro wavo mukuru, pamwechete nourombo hwavo hukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo.
3
Nokuti ndinopupura, kuti vakapa nokuda kwavo pavakagona napo, kunyangwe kupfuura pavakagona napo;
4
vakakumbira nokunyengetera kukuru kwatiri kuti tivatendere kuita basa iri renyasha nokusangana pakushumira vatsvene;
5
havana kuita sezvatakafunga bedzi, asi ivo vakatanga kuzvipa kuna ishe, nokwatiri, nokuda kwaMwari.
6
Naizvozvo takakumbira zvikuru kuna Tito, kuti sezvaakanga atanga, apedzise basa iri renyasha pakati penyuwo.
7
Zvino sezvamakapfuurira pazvinhu zvose, pakutenda, napakutaura, napakuziva, napakushingaira kwose, naparudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuure pabasa iri renyashawo.
8
Handirevi ndichirayira, asi kuti ndiedze ndizive nokushingaira kwavamwe kana rudo rwenyu nderwechokwadiwo.
9
Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kuti kunyangwe akanga akapfuma, akava murombo nokuda kwenyu, kuti imi nourombo hwake muve vapfumi.
10
Pachinhu ichi ndinokuudzai kufunga kwangu; nokuti zvichakubatsirai, nokuti ndimi makatangira vamwe makei, musingaiti bedzi, asi muchidawo.
11
Asi zvino pedzisai kuitawo; sezvamakanga muno mwoyo unoda, saizvozvo pedzisaiwo pamunogona napo.
12
Nokuti kana mwoyo wokupa uripo, chipo chinofadza paanapo, kusati kuri paanoshaiwa napo.
13
Nokuti handirevi kudaro ndichiti vamwe varerukirwe, imi muremerwe; asi kuti muenzane;
14
kuti panguva ino kuwanda kwenyu kubatsire kushayiwa kwavo, kuti kuwanda kwavo kubatsire kushayiwa kwenyuwo; kuti kuve nokuenzana;
15
sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Wakaunganidza zvizhinji, haana kusarirwa nechinhu; naiye akaunganidza zvishoma, haana kushayiwa.”
16
Zvino Mwari ngaavongwe, wakaisa mumwoyo maTito kushingaira kwakadaro kwamuri.
17
Nokuti akanzwa hake kurayira kwedu, asi zvaakanga achishingaira zvikuru, akaenda kwamuri, nokuda kwake hake.
18
Zvino takatuma pamwechete naye hama iya, inorumbidzwa paVhangeri pachechi dzose;
19
zvisati zviri izvozvo bedzi, asi iye akasanangurwawo nechechi kuti atiperekedze pabasa iri renyasha, rinoitwa nesu, kuti iye Mwari akudzwe;
20
tichizvichenjerera, kuti kurege kuva nomunhu angatipa mhosva pamusoro pezvakawanda izvi, zvatinobata nazvo.
21
Nokuti hatitsvaki zvinhu zvakanaka pamberi paIshe bedzi, asi pamberi pavanhuwo.
22
Takatumawo navo hama yedu, yatakaedza kazhinji tikaona kuti anoshingaira pazvinhu zvizhinji; asi zvino anonyanya kushingaira nokuda kwokutenda kukuru kwaanako kwamuri.
23
Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu, nomubatsiri wangu kwamuri; kana dziri hama dzedu, ndivo vapostori vechechi, uye kukudzwa kwaKristu.
24
Naizvozvo muvaratidze pamberi pechechi chiratidzo chorudo rwenyu, nechokurumbidza kwedu pamusoro penyu.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13