bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Corinthians 9
2 Corinthians 9
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 10 →
1
Nokuti kana kuri kushumira vatsvene, handifaniri kuti ndikunyorerei;
2
nokuti ndinoziva kuda kwomwoyo yenyu, kwandinozvirumbidza nako kuna vaMasedhonia kuti, “VaAkaia vakanga vazvigadzira kubvira makei; nokushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.”
3
Zvino, ndakatuma hama idzi, kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu kurege kuitwa pasina chinhu ichi; kuti, sezvandakareva, mugare makazvigadzira;
4
kuti zvimwe kana vamwe veMasedhonia vachiuya neni, vakakuwanai musina kuzvigadzira, isu (hatirevi imi) tirege kunyadziswa pakutenda uku.
5
Naizvozvo ndakati zvakafanira kuti ndirayire hama idzi, kuti vatange kuenda kwamuri, vatange kumbogadzira chipo chokuvonga chamakapikira kare, kuti ichi chigare chakagadzirwa chiri chipo chokuvonga, chirege kuva chinhu chakatorwa nesimba.
6
Zvino rangarirai chinhu ichi: Anodyara zvishoma, achachekawo zvishoma; anodyara zvizhinji, achachekawo zvizhinji.
7
Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga mumwoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari anoda munhu anopa nomufaro.
8
Mwari anogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti nguva dzose muve nokuringana kwose pazvose, kuti muwanze mabasa ose akanaka;
9
sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Iye akaparadzira, iye akapa varombo; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.”
10
Zvino iye, anopa mudyari mbeu nechingwa, kuti zvive zvokudya, achakupaiwo mbeu dzokudyara achidziwanza, nokuwedzera zvibereko zvokururama kwenyu;
11
muchifumiswa pazvose mugoziva kupa zvakawanda, zvinoti, kana zvichiitwa nesu, Mwari anovigirwa nazvo kuvonga.
12
Nokuti kushumira kwokubatsira uku hakuzadzisi kushayiwa kwavatsvene bedzi, asi kunowanzisawo kuvonga kuna Mwari;
13
nokuda kwezvinoonekwa pakushumira uku vanorumbidza Mwari, pamusoro pokupupura kwenyu kwakateerera Vhangeri yaKristu, napamusoro pokupa kwenyu zvakawanda kwavari nokuna vose.
14
Naivo vomene vanokushuvai, vachikukumbirirai, nokuda kwenyasha huru–huru dzaMwari pamusoro penyu.
15
Mwari ngaavongwe pamusoro pechipo chake, chisingagoni kurondedzerwa.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13