bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Corinthians 2
2 Corinthians 2
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
1
Asi ndakati mumwoyo mangu, kuti handidi kuuyazve kwamuri nokuchema.
2
Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko achandifadza, kana asiri iye akachemedzwa neni?
3
Zvino ndakanyora chinhu ichi kuti kana ndasvika ndirege kuchemedzwa naivo vaifanira kundifadza; ndichikutendai mose, kuti kufara kwangu ndokwenyu mose.
4
Nokuti ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomwoyo; ndisingati muchemedzwe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo.
5
Zvino kana mumwe akachemedza hake, haana kundichemedza ini, asi ndingati zvimwe ndirege kunyanyisa imi mose.
6
Kurova uku kwavanhu vazhinji kunoringana munhu wakadai.
7
Naizvozvo zviri nani kuti mumukanganwire nokumunyaradza, kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu huru.
8
Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti musimbise rudo rwenyu kwaari.
9
Nokuti ndakanyorawo izvi, kuti ndikuedzei, ndizive kana munoteerera pazvinhu zvose.
10
Zvino iye wamunoregerera, neni ndinomuregererawo; nokuti izvo zvandakaregererwa ini, kana ndinenge ndakaregererwa chinhu, ndakazviita nokuda kwenyu pamberi paKristu;
11
kuti tirege kunyengerwa naSatani; nokuti mano ake tinoaziva.
12
Zvino, ndakati ndichisvika paTiroasi kuparidza Vhangeri yaKristu, ndichizarurirwa musuwo muna Kristu,
13
ndakanga ndisina zororo pamweya wangu, nokuti handina kuwanapo Tito, hama yangu; asi ndakaonekana navo, ndikaenda Masedhonia.
14
Asi Mwari ngaavongwe, anotikundisa nguva dzose muna Kristu, anoratidza nesu kwose–kwose hwema hwokuziva kwake.
15
Nokuti isu tiri hwema hwakanaka hwaKristu kuna Mwari, pakati paivo vanoponeswa navanoparara.
16
Kuna vamwe tiri hwema hworufu hunoisa kurufu; kuna vamwe hwema hwoupenyu hunoisa kuupenyu. Zvino ndianiko angakwanisa zvinhu zvakadai?
17
Nokuti hatifanani navamwe vazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi tinotaura muna Kristu nechokwadi, sechinobva kuna Mwari, pamberi paMwari.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13