bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Kings 16
2 Kings 16
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 17 →
1
Negore regumi namanomwe raPeka mwanakomana waRemaria, Ahazi mwanakomana waJotamu mambo waJudha wakatanga kubata ushe.
2
Ahazi akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri; akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namatanhatu. Asi haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake, sababa vake Dhavhidhi.
3
Nokuti wakafamba nenzira yamadzibaba aIsiraeri, akapinzawo mwanakomana wake mumoto netsika dzezvinonyangadza zvavahedheni, vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana VaIsiraeri.
4
Akabayira nokupisa zvinonhuwira napasi pemiti yose mitema.
5
Ipapo Rezini mambo weSiria, naPeka mwanakomana waRemaria, mambo weIsiraeri, vakasvika Jerusaremu kuzorwa naye; vakakomba Ahazi, asi vakanga vasingagoni kumukunda.
6
Nenguva iyo Rezini mambo weSiria akadzoserazve Siria Erati, akadzinga vaJudha paErati; vakaenda Erati, vakagarapo kusvikira nhasi.
7
Zvino Ahazi akatuma nhume kuna Tigiratipireseri mambo weAsiria, akati, “Ndiri muranda wenyu nomwanakomana wenyu; uyai mundirwire muruoko rwamambo weSiria, nomuruoko rwamambo weIsiraeri, vanondimukira.”
8
Ipapo Ahazi akatora sirivha nendarama zvakawanikwa mumba maJehovha, napapfuma yeimba yamambo, akazvituma kuna mambo weAsiria, chive chipo.
9
Mambo weAsiria akamunzwa, mambo weAsiria akandorwa neDhamasikosi, akarikunda, akatapa vanhu, akavaisa Kiri, akauraya Rezini.
10
Zvino mambo Ahazi akaenda Dhamasikosi kundosangana naTigiratipireseri mambo weAsiria, akaona atari yakanga iri paDhamasikosi; mambo Ahazi akatuma mufananidzo weatari kuna Uriya mupristi, nomuvakirwo wayo, nomuitirwe wayo wose.
11
Mupristi Uriya akavaka atari yakafanana nezvose zvakanga zvatumwa namambo Ahazi achiri Dhamasikosi, mupristi Uriya akaiita saizvozvo mambo Ahazi achigere kudzoka Dhamasikosi.
12
Zvino mambo wakati adzoka Dhamasikosi, mambo akaona atari, mambo akaswedera paatari, kuzobayira pamusoro payo.
13
Akapisira pamusoro peatari chipiriso chake chinopiswa, nechipiriso chake choupfu, akadururapo chipiriso chake chinodururwa, akasasirapo ropa rezvipiriso zvake zvokuyananisa.
14
Uye atari yendarira, yaiva pamberi paJehovha, wakaibvisa pamukova weimba, pakati peatari yake neimba yaJehovha, akaiisa kurutivi rwokumusoro rweatari yake.
15
Zvino mambo Ahazi akaraira mupristi Uriya, akati, “Chipisira chipiriso choupfu chamangwanani paatari huru, nechipiriso chamadekwana, nechipiriso chamambo chinopiswa, nechipiriso chake choupfu, nechipiriso chavanhu vose venyika, nechipiriso chavo choupfu, nezvipiriso zvavo zvinodururwa; uye usasire pamusoro payo, neropa rose rechipiriso chinopiswa, neropa rose rezvibairo; asi atari yendarira ndiyo yandichabvunza Mwari nayo.”
16
Naizvozvo mupristi Uriya akaita zvose zvaakanga arairwa namambo Ahazi.
17
Mambo Ahazi akagura ukomba hwezvingoro, akabvisa mudziyo wokushamba pamusoro pazvo, akabvisawo dziva pamusoro penzombe dzendarira dzakanga dziri pasi paro, akariisa pachigadziko chamabwe.
18
Nenzira, yaiva nedenga, yakaitirwa imba yezororo, yavakanga vavaka temberi, nomukova wamambo nechokunze, wakazvishandura mukati metemberi yaJehovha, nokuda kwamambo weAsiria.
19
Zvino mamwe mabasa aAhazi aakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzibaba aJudha?
20
Ahazi akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi, Hezekiya mwanakomana wake akamutevera paushe.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25