bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Kings 2
2 Kings 2
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 3 →
1
Zvino nguva yakati yasvika Jehovha yaakada kukwidza Eriya nayo kudenga nechinyamupupuri, Eriya akaenda naErisha vachibva Girigari.
2
Eriya akati kuna Erisha, “Iwe chigara pano, nokuti Jehovha akandituma Bhetieri.” Erisha akati, “NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyi.” Naizvozvo vakaburukira Bhetieri.
3
Zvino vanakomana vavaporofita vaiva paBhetieri, vakasvika kuna Erisha, vakati kwaari, “Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi?” Iye akati, “Hongu, ndinoziva; nyararai henyu.”
4
Eriya akati kwaari, “Erisha, iwe chigara pano, nokuti Jehovha akandituma Jeriko.” Iye akati, “NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi.” Naizvozvo vakasvika Jeriko.
5
Zvino vanakomana vavaporofita, vaiva paJeriko, vakaswedera kuna Erisha, vakati kwaari, “Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi?” Iye akapindura, akati, “Hongu, ndinoziva; nyararai henyu.”
6
Eriya akati kwaari, “Iwe chigara pano, nokuti Jehovha akandituma kwaJodhani.” Iye akati, “NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi.” Ivo vari vaviri vakapfuura havo.
7
Zvino varume vana makumi mashanu vavanakomana vavaporofita vakaenda vakandomira pakatarisana navo vari kure; ivo vari vaviri vakamira paJodhani.
8
Ipapo Eriya akatora nguo yake, akaipeta, akarova mvura, ikaparadzaniswa napakati, naizvozvo ivo vaviri vakayambuka pakawoma.
9
Zvino vakati vayambuka, Eriya akati kuna Erisha, “Kumbira chandingakuitira, ndichigere kubviswa kwauri.” Erisha akati, “Ndipei migove miviri yomweya wenyu.”
10
Akati, “Wakumbira chinhu chinogozha; asi kana ukandiona ndichibviswa kwauri, uchaitirwa izvozvo; asi kana usingandiwoni, haungaitirwi izvozvo.”
11
Zvino vakati vachifamba, vachingotaurirana havo, ngoro yomoto namabhiza omoto zvikasvika, zvikavaparadzanisa ivo vaviri; Eriya akakwira kudenga nechinyamupupuri.
12
Erisha akazviona, akadanidzira, achiti, “Baba vangu, baba vangu, ngoro yeIsiraeri navatasvi vayo vamabhiza!” Akasazomuonazve; akabata nguo dzake akadzibvarura napakati.
13
Akanonga jasi raEriya rakanga rawa kwaari, akadzoka akamira pamhenderekedzo yaJodhani;
14
akatora jasi raEriya rakanga rawa kwaari, akarova mvura, akati, “Jehovha Mwari waEriya uripiko?” Zvino wakati arova mvura, ikaparadzaniswawo napakati, Erisha akayambuka.
15
Zvino vanakomana vavaporofita vakanga vari paJeriko pakatarisana naye, vakati vachimuona, vakati, “Mweya waEriya wogara pamusoro paErisha.” Vakandosangana naye, vakakotamira pasi pamberi pake.
16
Vakati kwaari, “Tarirai, isu varanda venyu, tina varume vana makumi mashanu vane simba; ivo ngavaende havo kundotsvaka tenzi wenyu, zvimwe Mweya waJehovha wamukwidza, ukamukandira pane rimwe gomo, kana muno mumwe mupata.” Iye akati, “Regai henyu kuvatuma.”
17
Asi ivo vakati vamugombedzera, kusvikira anyara, akati, “Tumai henyu.” Naizvozvo vakatuma varume vana makumi mashanu, vakatsvaka mazuva matatu, asi havana kumuwana.
18
Vakadzokerazve kwaari achiri paJeriko, iye akati kwavari, “Handina kukuudzai here, ndikati ‘Regai kuenda.’ ”
19
Zvino varume veguta vakati kuna Erisha, “Tarirai, henyu, nzvimbo yeguta yakanaka hayo, sezvamunoona, ishe wedu, asi mvura yakaipa, nenyika haibereki zvakanaka.”
20
Iye akati, “Ndivigire ndiro itsva, mugoisa munyumo.” Vakamuvigira iyo.
21
Akaenda kuchitubu chemvura, akadira munyu imomo, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndarapa mvura iyi, hapachazobvipo rufu, kana kusabereka.’ ”
22
Naizvozvo mvura ikarapwa kusvikira, nhasi sezvakataura, iye Erisha.
23
Zvino wakabvapo, akaenda Bhetieri; akati achikwira nenzira, zvikomana zvikabuda muguta, zvikamuseka, zvikati kwaari, “Iwe nyamanza, kwira, iwe nyamanza, kwira!”
24
Iye akacheuka, akavaona, akavatuka nezita raJehovha. Ipapo mabheya maviri akabuda mudondo, akaparadza vana vana makumi mana navaviri vavo.
25
Akabvapo, akaenda kugomo reKarimeri, akabvapo, akadzokera Samaria.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25