bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Kings 20
2 Kings 20
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 21 →
1
Zvino namazuva iwayo Hezekiya akarwara, kusvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Chiraira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.’ ”
2
Ipapo akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha, akati,
3
“Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nezvokwadi nomwoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekiya akachema kwazvo.
4
Zvino Isaya wakanga achigere kubuda paruvazhe rwapakati, shoko raJehovha rikauya kwaari, richiti,
5
“Dzokazve, undoti kuna Hezekiya, mutungamiriri wavanhu vangu, ‘Zvanzi naJehovha Mwari waDhavhidhi baba vako, ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; zvino tarira, ndichakuporesa; nezuva rechitatu uchakwira kuimba yaJehovha.’
6
“Ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu; ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria, ndichadzivira guta rino nokuda kwangu, uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu.”
7
Ipapo Isaya akati, “Uyai nebundu ramawonde.” Ivo vakauya naro, vakariisa pamota, akapora.
8
Zvino Hezekiya akati kuna Isaya, “Chiratidzo chichava cheiko kuti Jehovha uchandiporesa, ndikwire kumba kwaJehovha nezuva rechitatu here?”
9
Isaya akati, “Ichi chichava chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha uchaita sezvaakataura. Unoda kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro ine gumi, kana udzoke mitaro ine gumi here?”
10
Hezekiya akapindura, akati, “Zvakareruka kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro ine gumi; kwete, mumvuri ngaudzoke mitaro ine gumi.”
11
Ipapo muporofita akadana kuna Jehovha, akadzosera mumvuri shure mitaro ine gumi pachikiratidzo chenguva chaAhazi.
12
Zvino nenguva iyo Bherodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekiya; nokuti wakanga anzwa kuti Hezekiya wairwara.
13
Hezekiya akavanzwa, akavaratidza imba yose yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri papfuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekiya.
14
Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekiya, akati kwaari, “Ko varume ava vakati kudini? Vasvika kwauri vachibvepiko?” Hezekiya akati, “Vabva kunyika iri kure, Bhabhironi.”
15
Akati, “Vakawonei mumba mako?” Hezekiya akapindura, akati, “Vakaona zvose zviri mumba mangu, hakuna chinhu pakati pepfuma yangu chandisina kuvaratidza.”
16
Ipapo Isaya akati kuna Hezekiya, “Inzwa shoko raJehovha.
17
‘Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi zvichaiswa Bhabhironi; hakuna chinhu chichasiyiwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
18
Vamwe vavanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa; vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.’ ”
19
Ipapo Hezekiya akati kuna Isaya, “Shoko raJehovha, ramataura, rakanaka haro.” Akatiwo, “Ko handizvo here, kana rugare nezvokwadi zviripo hazvo pamazuva angu?”
20
Zvino mamwe mabasa aHezekiya, nesimba rake, nokuita kwake dziva nomugero, nokusvitsa kwake mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aJudha?
21
Hezekiya akavata namadzibaba ake, Manase mwanakomana wake akamutevera paushe.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25