bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Kings 7
2 Kings 7
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 8 →
1
Erisha akati, “Inzwai shoko raJehovha, Zvanzi naJehovha, ‘Mangwana nenguva ino, chiyero chimwe choupfu hwakatsetseka chichatengeswa neshekeri rimwe, nezviyero zviviri zvebhari neshekeri rimwe pasuwo reSamaria.’ ”
2
Zvino mukuru uyo, mambo waakanga akasendama paruoko rwake, akapindura munhu waMwari, akati, “Tarirai, kunyangwe Jehovha akaita mahwindo kudenga, chinhu ichi chingaitika here?” Erisha akati, “Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi.”
3
Zvino kwakanga kuna varume vana vaiva namaperembudzi kunze kwesuwo; ivo vakataurirana, vakati, “Tinogarireiko pano kusvikira tafa?
4
Kana tikati, ‘Tichapinda muguta, nzara huru iri muguta, tichandofiramo; kana tikagara pano, tichafawo. Naizvozvo zvino hendei tiende hedu kuhondo dzaVaSiria; kana vakatirega tiri vapenyu, tararama hedu; kana vakatiuraya, tafa hedu.’ ”
5
Ipapo vakasimuka mambakwedza, vakaenda kumisasa yaVaSiria; vakati vasvika kumisasa yokumudzivo yavaSamaria, vakawana kusino munhu.
6
Nokuti Jehovha akanga anzwisa hondo yaVaSiria kutinhira kwengoro, nokutinhira kwamabhiza, kuri kutinhira kwehondo huru; vakataurirana, vakati, “Tarirai, mambo weIsiraeri wakakoka madzimambo avaHiti namadzimambo aVaIjipiti kuzorwa nesu.”
7
Naizvozvo vakamuka mambakwedza, vakasiya matende avo, namabhiza avo, namahesera avo, musasa wose wakangodaro, vakatiza kuti vararame.
8
Zvino vaya vaiva namaperembudzi vakati vachisvika kumisasa yokumidzivo, vakapinda patende rimwe, vakadya nokunwa, vakatoramo sirivha nendarama nenguo, vakandozviviga; vakadzokazve, vakapinda mune rimwe tende, vakatora zvakanga zvirimowo, vakandozviviga.
9
Ipapo vakataurirana, vakati, “Hatiiti zvakanaka; nhasi izuva reshoko rakanaka, asi isu tinongonyarara hedu; kana tikanonoka kusvikira kwaedza, tichavingwa nokurohwa; naizvozvo hendei zvino, tindoudza imba yamambo.”
10
Naizvozvo vakaenda vakadanidzira kuvatariri vesuwo reguta, vakavaudza, vakati kwaari, “Takasvika kumisasa yaVaSiria, tikawana kusisina munhupo, kunyangwe izwi romunhu, asi mabhiza akasungirwa, namahesera akasungirwa, namatende akangodaro.”
11
Ipapo vatariri vesuwo vakadanidzira, vakaudza vomumba mamambo mukati.
12
Mambo akamuka pakati pousiku, akati kuvaranda vake, “Ndichakuudzai zvataitirwa naVaSiria. Vanoziva kuti tine nzara; naizvozvo vakabuda pamisasa vakandovanda kusango, vachiti, ‘Kana vakabuda muguta, tichavabata vari vapenyu, isu tigopinda muguta.’ ”
13
Ipapo mumwe muranda wake akapindura, akati, “Vamwe ngavatore mabhiza mashanu kuna akasara, akasiyiwa muguta, (tarirai, vakafanana navamwe VaIsiraeri vazhinji vakasara imomo; tarirai vakafananawo navamwe VaIsiraeri vazhinji vatoparadzwa havo;) tivatume, tione.”
14
Naizvozvo vakatora ngoro mbiri namabhiza adzo, mambo akatuma vanhu kuzotevera hondo yaVaSiria, akati, “Endai, mundoona.”
15
Ivo vakaenda, vakavatevera kusvikira kwaJodhani, vakawana nzira yose izere nenguo, nenhumbi, dzakanga dzarashwa naVaSiria nokumhanya kwavo. Nhume dzikadzoka, dzikaudza mambo.
16
Ipapo vanhu vakabuda, vakapamba misasa yaVaSiria. Naizvozvo chiyero choupfu hwakatsetseka chakatengeswa neshekeri rimwe, nezviyero zviviri zvebhari neshekeri rimwe, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
17
Mambo akagadza mukuru uya, waakanga akasendama paruoko rwake, kuti arindire suwo; vanhu vakamutsikirira musuwo, akafa sezvakanga zvarehwa nomunhu waMwari, wakataura shoko iro musi wakaburukira mambo kwaari.
18
Zvikaitika sezvakanga zvataurwa nomunhu waMwari kuna mambo, zvaakati, “Mangwana nenguva ino zviyero zviviri zvebhari zvichatengeswa neshekeri, nechiyero chimwe choupfu hwakatsetseka neshekeri pasuwo reSamaria;
19
mukuru uyo akapindura munhu waMwari, akati, ‘Zvino tarira, kunyangwe Jehovha akaita mahwindo kudenga, chinhu ichi chakadai chingaitwa here?’ Iye akati ‘Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi.’
20
Ndizvo zvaakazoitirwa; nokuti vanhu vakamutsikirira musuwo, akafa.”
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25