bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Amos 1
Amos 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 2 →
1
Mashoko aAmosi, waiva mumwe wavafudzi veTekoa, aakaona pamusoro paIsiraeri namazuva aUziya mambo waJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi mambo waIsiraeri, makore maviri achigere kusvika okudengenyeka kwenyika.
2
Akati, “Jehovha uchaomba ari paZioni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; mafuro avafudzi achachema, musoro weKarimeri uchaoma.”
3
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Dhamasiko vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapura Giriadhi nemipuro yamatare.
4
Asi ndichatuma moto mumba maHazaeri, uchapedza dzimba dzohushe dzaBhenihadhadhi.
5
Ndichavhuna chihuri cheDhamasikosi, nokuparadza vagere mumupata weAvheni nowakabata tsvimbo youshe paBhetiedheni; vanhu veSiria vachatapirwa Kiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
6
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Gaza vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwazvo; nokuti vakatapa rudzi rwose, kundovaisa kuna Edhomu.
7
Asi ndichatuma moto kurusvingo rweGaza, uchapedza dzimba dzaro dzoushe.
8
Ndichaparadza vagere Ashidhodhi nowakabata tsvimbo youshe paAshikeroni; ndichatambanudzira ruoko rwangu kurwa naEkironi; vakasara vavaFirisitia vachaparadzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
9
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Taya yakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwayo; nokuti vakaisa rudzi rwose kuna Edhomu vakasarangarira sungano yohukama hwavo.
10
Asi ndichatuma moto kurusvingo rweTaya, uchapedza dzimba dzaro dzoushe.”
11
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Edhomu akadarika, katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwake; nokuti akateverera munun'una wake nomunondo, akarasha tsitsi dzose, kutsamwa kwake kukaramba kuchingobvambura, akaramba ane hasha nokusingaperi.
12
Asi ndichatuma moto paTemani, uchapedza dzimba dzoushe dzeBhozira.”
13
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti vanhu vaAmoni vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakatumbura vakadzi vakanga vane mimba veGiriadhi, kuti vakurise nyika yavo.
14
Asi ndichabatidza moto parusvingo rweRabha, uchapedza dzimba dzaro dzoushe, vachidanidzira nezuva rokurwa, nedutu guru remhepo nezuva rechamupupuri;
15
mambo wavo achatapwa, iye pamwechete namachinda ake,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
Recommended Reading
Commentary
Amos Commentaries
→
Devotional
Amos Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona SUB Bible Study Bible
→