bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Amos 9
Amos 9
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
1
Ndakaona Ishe amire parutivi rweatari, akati, “Rova misoro yembiru, kuti zvikumbaridzo zvidedere, uzviputsanye pamisoro yavo yose; ndichauraya wokupedzisira pakati pavo nomunondo; hakuna nomumwe wavo achatiza, hakuna nomumwe wavo achapukunyuka.
2
Kunyangwe vakachera kusvikira paSheori, ruoko rwangu ruchandovatorapo; kunyangwe vakakwira kusvikira kudenga, ndichavaburusapo.
3
“Kunyangwe vakandovanda pamusoro peKameri, ndichavatsvaka nokuvabvisapo; kunyangwe vakavanda meso angu pakudzika kwegungwa, ndicharaira nyoka kundovarumapo.
4
Kunyangwe vakatapwa navavengi vavo, ndicharaira munondo kundovaurayapo; ndicharatidza meso angu kwavari kuti ndivaitire zvakaipa, ndirege kuvaitira zvakanaka.”
5
Nokuti Ishe Jehovha wehondo ndiye unobata nyika ikanyauka, vose vageremo vachachema; ichakwira yose soRwizi, ichadederazve soRwizi rweIjipiti;
6
ndiye anovaka makamuri ake kudenga, wakateya denga rake panyika; iye anodana mvura zhinji yegungwa achiidururira panyika pose; Jehovha ndiro zita rake.
7
“Nhai, imi vana VaIsiraeri, ko hamuzi kwandiri savana veItiopia here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Handizini ndakabudisa Isiraeri panyika yeIjipiti here, navaFirisitia paKafitori, navaSiria paKiri here?
8
Tarirai, meso aIshe Jehovha anoona ushe hunotadza, ndichahuparadza ndihubvise panyika pose, asi handingaparadzi chose imba yaJakobho ndizvo zvinotaura Jehovha.
9
“Nokuti tarirai, ndicharaira, ndichapepeta imba yaIsiraeri pakati pamarudzi ose, sezvinopepetwa zviyo mumusero, kunyangwe zvakadaro tsanga imwe duku–duku haingawiri pasi.
10
Vatadzi vose vavanhu vangu vachaurayiwa nomunondo, ivo vanoti, ‘Zvakaipa hazvingatibati, hazvingasvikiri kwatiri.’ ”
11
“Nezuva iro ndichamutsa tabherinakeri yaDhavhidhi yakawira pasi, nokudzivirapo pakakoromorwa; ndichamutsazve matongo ayo, ndichaivakazve sezvayakanga yakaita pamazuva akare;
12
kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomu, namarudzi ose akatumidzwa nezita rangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, anoita izvozvi.
13
“Tarirai, mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha “Murimi achabata mucheki, nomusvini wemizambiringa achabata anodyara mbeu; makomo achadonha waini inozipa, uye zvikomo zvose zvichanyauka.
14
“Ndichadzosa kutapwa kwavanhu vangu VaIsiraeri, vachavaka maguta akaparadzwa, vachigaramo; vachasima minda yemizambiringa, vachinwa waini yayo; vacharimawo mimwe minda, vachidya zvibereko zvayo.
15
Ndichavasima panyika yavo, havangazodzurwizve panyika yavo yandakavapa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wenyu.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9