bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Amos 7
Amos 7
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 8 →
1
Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarira, akawumba mhashu, mabukira okupedzisira achitanga kubukira; tarirai, akanga ari mabukira okupedzisira kucheka kwamambo kwapera.
2
Zvino dzakati dzapedza kudya uswa hwenyika, ndikati, “Aiwa, Ishe Jehovha, chikanganwirai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?”
3
Jehovha akazvidya mwoyo pamusoro pechinhu ichi, Jehovha akati, “Hazvingaitwi.”
4
Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarirai, Ishe Jehovha akadana moto kuti arwe nawo; akapedza gungwa rakadzika, akavavarira kudya nenyikawo.
5
Ipapo ndakati, “Aiwa, Ishe Jehovha, chiregai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?”
6
Jehovha akazvidemba pamusoro pechinhu ichi, Ishe Jehovha akati, “Nezvizviwo hazvingaitwi.”
7
Hezvi zvaakandiratidza, tarirai, Ishe akanga amire pamadziro akanga akaitwa netambo yokuyeresa, akabata tambo yokuyeresa muruoko rwake.
8
Jehovha akati kwandiri, “Amosi unooneiko?” Ini ndikati, “Tambo yokuyeresa nayo.” Zvino Ishe akati, “Tarirai, ndichaisa tambo yokuyeresa pakati pavanhu vangu VaIsiraeri, handichatongovadarikizve;
9
nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaitwa matongo, uye nzvimbo tsvene dzaIsiraeri dzichaparadzwa; ndichamukira imba yaJerobhoamu nomunondo.”
10
Zvino Amaziya mupristi weBhetieri akatuma nhume kuna Jerobhoamu mambo waIsiraeri, achiti, “Amosi akarangana pakati peimba yaIsiraeri kukuurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose.
11
Nokuti Amosi anoti, ‘Jerobhoamu achaurayiwa nomunondo, Isiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.’ ”
12
Amaziya akatiwo kuna Amosi, “Iwe muoni, enda, utizire kunyika yaJudha, undodyapo zvokudya, uporofitepo;
13
asi urege kuzoporofitazve paBhetieri; nokuti inzvimbo tsvene yamambo, imba yamadzimambo.”
14
Ipapo Amosi akapindura, akati kuna Amaziya, “Ini ndakanga ndisi muporofita, ndakanga ndisi mwanakomana womuporofita; asi ndakanga ndiri mufudzi nomurimi wemionde,
15
Jehovha akanditora ndichitevera makwai, Jehovha akati kwandiri, ‘Enda, undoporofita kuvanhu vangu VaIsiraeri.’
16
Zvino iwe chinzwa shoko raJehovha, iwe unoti, ‘Rega kuporofita pamusoro paIsiraeri, rega kudonhedza shoko pamusoro peimba yaIsaka;’
17
naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, vanakomana vako navanasikana vako vachaparadzwa nomunondo, uye nyika yako ichaganhurwa notambo yokuyeresa narwo; iwe amene uchafira munyika isakanaka, uye VaIsiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.’ ”
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9