bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Amos 5
Amos 5
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 6 →
1
Inzwai shoko iri randinokuchemai naro, imi imba yaIsiraeri.
2
Mhandara yaIsiraeri yawira pasi; haangazomukizve; wawiswa pasi panyika yake, hakuna angamumutsazve.
3
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “Paimba yaIsiraeri guta, rakabuda kundorwa navane chiuru chamazana, richasara nezana roga, uye rakabuda nezana richasara negumi.”
4
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha kuimba yaIsiraeri, “Nditsvakei, murarame;
5
asi regai kutsvaka Bhetieri, kana kupinda Girigari, kana kupfuurira Bheerishebha; nokuti Girigari richatapwa zvirokwazvo, Bhetieri richarova.”
6
Tsvakai Jehovha, murarame; kuti arege kupfuta paimba yaJosefa somoto unopedza zvose, kukasava nomunhu anoudzima paBhetieri.
7
Imi, munoshandura kururamisira muchikuita segavakava, muchiwisira kururama pasi,
8
tsvakai iye, akaita nyenyedzi dzeChimutanhatu nedzeOrioni, anoshandura mumvuri worufu achiuita mangwanani, anodzima masikati achiaita usiku, anodana mvura yegungwa, ndokuidururira panyika (Jehovha ndiro zita rake);
9
anouyisira vane simba kuparadza kunokurumidza, kuparadza ndokuwira nhare.
10
Vanovenga anovaraira pasuwo, vanosema anotaura zvakarurama.
11
Zvino zvamunotsika murombo pasi, muchitora dzimba dzamabwe akavezwa, asi hamungagarimo, makasima minda yemizambiringa inofadza, asi hamunganwi waini yayo.
12
Nokuti ndinoziva kuti kudarika kwenyu kuzhinji, uye kuti zvivi zvenyu zvikuru, kwazvo, iyemi, munomanikidza vakarurama, munogamuchira fufuro, muchiramba anoshaiwa pasuwo.
13
Saka akangwara achanyarara nenguva yakadai, nokuti inguva yakaipa.
14
Tsvakai zvakanaka, murege kutsvaka zvakaipa, kuti murarame, ipapo Jehovha, Mwari wehondo achava nemi, sezvamunoreva.
15
Vengai zvakaipa, mude zvakanaka, mururamisire vanhu musuwo; zvimwe Jehovha, iye Mwari wehondo, achanzwira nyasha vakasara vaJosefa.
16
Naizvozvo zvanzi naJehovha, iye Mwari wehondo, iye Ishe, “Kuchema kuchavapo panzira dzose huru, panzira dzose dzomumusha vachati, ‘Maiwe! Maiwe!’ Vachadana varimi kuzochema, navanoziva nziyo dzemariro kuzoungudza.
17
Kuungudza kuchavapo paminda yose yemizambiringa; nokuti ndichapfuura napakati penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
18
Mune nhamo imi munoshuva zuva raJehovha! Zuva raJehovha munorida neiko? Richava rima, hachingavi chiedza.
19
Zvichaita somunhu anotiza shumba, ndokusangana nebere; kana seanopinda mumba, akabata pamadziro noruoko rwake, ndokurumwa nenyoka.
20
Ko zuva raJehovha haringavi rima, rikarega kuva chiedza here? Haringati, Zi! Kwazvo, risina kupenya here?
21
“Ndinovenga nokuzvidza mitambo yenyu, handingatongofadzwi neungano dzenyu dzakatarwa.
22
Zvirokwazvo, kunyangwe mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; handingavi nehanya nezvipiriso zvenyu zvokuvonga zvezvipfuwo zvenyu zvakakodzwa.
23
Bvisai pamberi pangu ruzha rwenziyo dzenyu, nokuti handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu.
24
Asi ruenzaniso ngakuyerere semvura, uye kururama sorwizi runongoramba ruchidira.
25
“Nhai imba yaIsiraeri, makandivigira zvibairo nezvipo murenje makore ana makumi mana here?
26
Zvirokwazvo, makatakura Sikuti mambo wenyu, neKijuni zvifananidzo zvenyu, iyo nyenyedzi yamwari wenyu, wamakazviitira.
27
Naizvozvo ndichakutapisai mberi kweDhamasikosi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, anezita rinonzi Mwari wehondo.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9