bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Ecclesiastes 4
Ecclesiastes 4
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 5 →
1
Zvino ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuva; tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishaiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashaiwa munyaradzi.
2
Naizvozvo ndakati vakafa, vakanguva vafa, vanomufaro kupfuura vapenyu vachiri vapenyu.
3
Zvirokwazvo, ndakati agere kutongovapo, iye asina kuona basa rakaipa rinoitwa pasi pezuva ano mufaro kupfuura vapenyu.
4
Zvino ndakaona kubata kwose noumhizha hwose pakubata, kuti munhu anovengwa nowokwake pamusoro pazvo. Naizvozvo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
5
Benzi rinofungatira maoko aro, richidya nyama yaro.
6
Tsama imwe yorugare inopfuura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo.
7
Zvino ndakadzoka, ndikaona zvisina maturo pasi pezuva.
8
Mumwe ariko anongogara ari oga, asina mumwe wake; zvirokwazvo, haana mwanakomana kana munun'una, kunyangwe zvakadaro kubata kwake hakuna mugumo, uye meso ake haaguti nepfuma. Anoti, “Zvino ndinobatira ani, ndichinyima mwoyo wangu zvinhu zvakanaka?” Naizvozvowo hazvina maturo, zvirokwazvo ndiko kutambudzika kukuru.
9
Vaviri vanopfuura mumwe, nokuti vanomubairo wakanaka wokubata kwavo.
10
Nokuti kana vakawira pasi, mumwe achasimudza shamwari yake; asi ari oga ane nhamo kana achiwira pasi, haano mumwe angamusimudza.
11
Uyezve, kana vaviri vachivata pamwechete, vachadziyirwa; asi mumwechete angadziyirwa sei?
12
Kana munhu akavamba mumwe, vaviri vangamudzivisa; tambo yakakoswa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.
13
Jaya murombo, rakachenjera, rinopfuura mambo mutana benzi, asichazivi kutenda kana achirangwa.
14
Nokuti akabuda mutorongo kuzova mambo; zvirokwazvo, kunyangwe paushe hwake akaberekwa ari murombo.
15
Ndakaona vapenyu vose vanofamba pasi pezuva, vachitevera jaya, iye wechipiri, wakamuka panzvimbo yake.
16
Vanhu vose vakanga vasingaverengwi, ivo vose vakanga vakabatwa naye; kunyangwe zvakadaro, vanozotevera havangamufariri. Zvirokwazvo, naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12