bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Ecclesiastes 8
Ecclesiastes 8
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 9 →
1
Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva kududzira chinhu? Uchenjeri hwomunhu hunobwinyisa chiso chake; hasha dzechiso chake dzinoshandurwa.
2
Ndinoti, “Chengeta murairo wamambo, uzviite nokuda kwezvawakapikira Mwari.”
3
Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsungirira pachinhu chakaipa, nokuti anoita zvose zvaanoda.
4
Nokuti shoko ramambo rine simba; ndiani angati kwaari, “Munoiteiko?”
5
Munhu anochengeta murairo, haangaoni chinhu chakaipa; mwoyo wowakachenjera unoziva nguva nokutongwa.
6
Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho nokutongwa kwacho; nokuti kushata kwomunhu kunomuremedza;
7
nokuti haazivi zvichazovapo; nokuti ndiani angamuzivisa kuti zvichava zvakadini?
8
Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo, kuti adzivirire mhepo; uye haana simba pamusoro pezuva rorufu; hakuna kukanganwirwa pakurwa; saizvozvo zvakaipa hazvingarwiri iye anozviita.
9
Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomwoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.
10
Saizvozvo ndakaona akaipa achivigwa, vanhu vakauya kuhwiro hwake; asi vakanga vaita zvakarurama vakabva panzvimbo tsvene, vakakanganikwa muguta; naizvozvo hazvina maturo.
11
Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, mwoyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa.
12
Kunyangwe mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyangwe zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka;
13
asi akaipa haangagari zvakanaka, haangavi namazuva mazhinji, zvaakafanana nomumvuri; nokuti haatyi pamberi paMwari.
14
Chinhu chisina maturo chiripo, chinoitwa panyika, ndicho kuti vakarurama variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakaipa, uyezve vakaipa variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakarurama; ndikati, “Naizvozvi hazvina maturo.”
15
Ipapo ndakarumbidza mufaro, nokuti munhu haane chinhu chinopfuura ichi, kuti adye, anwe, afare; kuti izvozvo zvigare naye pakubata kwake mazuva ose oupenyu hwake, hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.
16
Zvino ndakati ndichirangarira nomwoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nokuona kubata kunoitwa panyika (nokuti vamwe variko vasingaoni hope nameso avo masikati nousiku),
17
ndikaona mabasa ose aMwari, kuti munhu haanganzwisisi mabasa ose anoitwa pasi pezuva; nokuti kunyangwe munhu akatambura hake kuti azvinzvere, haanganzwisisi hake; zvirokwazvo, kunyangwe munhu, akachenjera, achiti, ndinozviziva, kunyangwe zvakadaro, haangagoni kuzvinzwisisa.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12