bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Ecclesiastes 7
Ecclesiastes 7
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 8 →
1
Mbiri yakanaka inopfuura chizoro chakanaka, nezuva rokufa kupfuura zuva rokuzvarwa.
2
Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo wavanhu vose; munhu mupenyu achazvirangarira pamwoyo pake.
3
Kuchema kunopfuura kuseka, nokuti mwoyo unofadzwa nokupunyaira kwechiso.
4
Mwoyo yavakachenjera iri paimba yokuchema, asi mwoyo yamapenzi iri paimba yokufara.
5
Zviri nani kuti munhu anzwe kutuka kwavakachenjera, pakuti anzwe kuimba kwamapenzi.
6
Nokuti kuseka kwebenzi kwakafanana nokuputika kweminzwa pasi pehari; naizvozvowo hazvina maturo.
7
Zvirokwazvo kumanikidza kunoita muchenjeri benzi; uye fufuro inoparadza njere.
8
Kuguma kwechinhu kunopfuura kutanga kwacho; ano mwoyo murefu anopfuura ano mwoyo anozvikudza.
9
Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nokuti kutsamwa kunogara pachipfuva chamapenzi.
10
Usati, “Mazuva ekare anopfuura azvino nokunaka neiko?” Nokuti haungabvunzi saizvozvo nouchenjeri.
11
Uchenjeri hwakaenzana nenhaka; zvirokwazvo, hwaisvonaka kuna vanoona zuva.
12
Nokuti uchenjeri nemari zvinhu aginopa kudzivirira, asi kunakisa kwezivo ndiko kuti uchenjeri hunochengeta upenyu hwaiye anahwo.
13
Cherechedza basa raMwari, nokuti ndiani angaruramisa chaakakombamisa iye?
14
Fara nezuva rokugara zvakanaka, rangarira nezuva rokutambudzika; Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviviri, kuti munhu arege kuziva zviri mberi kwake.
15
Izvozvi zvose ndakazviona pamazuva angu asina maturo. Akarurama ariko, anoparara pakati pokururama kwake, uyezve, munhu akaipa ariko, anorarama nguva huru pakati pezvakaipa zvake.
16
Usava munhu akaisvorurama, usava akaisvochenjera; uchazviparadzireiko?
17
Usava munhu akaisvoipa, uye usava benzi; uchafireiko nguva yako isati yasvika?
18
Zvakanaka kuti ubatisise chinhu ichi, uye usabvisa ruoko rwako panechecho; nokuti anotya Mwari, achapukunyuka pana izvozvo zvose.
19
Uchenjeri hunosimbisa akachenjera kupfuura vabati vane gumi vari muguta.
20
Zvirokwazvo, hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka, asingatadzi.
21
Uyezve, usava nehanya namashoko ose anotaurwa, kuti urege kunzwa muranda wako achikutuka.
22
Nokuti kazhinji mwoyo wako unoziva kuti newewo wakatuka vamwe saizvozvo.
23
Izvozvi zvose ndakazviidza nouchenjeri; ndakati, “Ndichava akachenjera; asi zvakanga zviri kure neni.”
24
Izvo, zviripo, zviri kure, zvakadzika kwazvo, ndiani angazviziva?
25
Ndakatendeuka, mwoyo wangu ukada kuziva nokunzvera, nokutsvaka uchenjeri namano, ndizive kuti kuipa upenzi, noupenzi kupenga.
26
Ndikawana chinhu chinovava kukunda rufu, ndiye mukadzi ari musungo, mwoyo wake ari mambure, namaoko ake zvisungo; Ani naani anofadza Mwari, achapukunyuka kwaari; asi mutadzi achabatwa naye.
27
Zvanzi noMuparidzi, “Tarirai, ndizvozvi zvandakawana, ndichiverenga chinhu chimwe nechimwe, kuti ndiwane shumo yazvo;
28
zvinongoramba zvichitsvakwa nomweya wangu, asi ndigere kuzviwana, ndakawana murume mumwe pakati pechiuru chezana, asi handina kuwana mukadzi pakati pavazhinji vakadai.
29
Asi tarirai, chinhu chimwe ichi chete ndicho chandakawana, kuti Mwari akaita munhu akarurama, asi ivo vakatsvaka mano mazhinji.”
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12