bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Ecclesiastes 6
Ecclesiastes 6
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 7 →
1
Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva, chinoremedza vanhu.
2
Munhu anopiwa naMwari pfuma nezvakawanda nokukudzwa, saizvozvo kuti mweya wake hautongoshaiwi chinhu chaanoda; asi Mwari haamupi simba rokudya izvozvo; asi mutorwa anozvidya; ichi hachina maturo, chirwere chakaipa.
3
Kana munhu akabereka vana vane zana, akararama makore mazhinji, mazuva amakore ake akava mazhinji, asi mweya wake asingagutswi nezvakanaka, uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana wakaberekwa nguva isati yasvika anopfuura iye;
4
nokuti anouya asina maturo, anoendazve murima, zita rake rinofukidzwa nerima;
5
uyezve, haana kuona zuva kana kuriziva; mwana akadai ane zororo kupfuura iye.
6
Zvirokwazvo, kunyangwe akararama makore ane zviuru zviviri zvamazana, asingafariri zvinhu zvakanaka, ko vose havaendi kunzvimbo imwe here?
7
Kubata kwose kwomunhu kunoitirwa muromo wake; kunyangwe zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi.
8
Nokuti akachenjera anokurira benzi nei? Kana murombo anei, iye anoziva kufamba zvakanaka pamberi pavapenyu.
9
Kuona kwameso kunopfuura kutsvaka–tsvaka kwomweya. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
10
Chinhu chipi nechipi, chakavapo, chakanguva chapiwa zita racho, zvakatarwa kuti munhu achava akadini, haangarwi noanomupfuura nesimba.
11
Nokuti mashoko mazhinji ariko, anowedzera zvisina maturo; munhu anobatsirwei nazvo?
12
Nokuti ndiani anoziva zvakafanira munhu paupenyu hwake, iwo mazuva ose oupenyu hwake husina maturo, anorarama somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvichazomutevera pasi pezuva?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12