bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Proverbs 24
Proverbs 24
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 25 →
1
Usagodora vanhu vakaipa; Usashuva kuva pakati pavo.
2
Nokuti mwoyo yavo inorangarira kuparadza; Nemiromo yavo inotaura zvakashata.
3
Imba inovakwa nouchenjeri; Inosimbiswa nenjere.
4
Nezivo dzimba dzomukati dzinozadzwa Nepfuma yose inokosha inofadza.
5
Munhu akachenjera ane simba; Zvirokwazvo, munhu wezivo anowedzera simba.
6
Nokuti anofanira kurwa pfumo amborairirwa nouchenjeri; Asi kuna varairiri vazhinji ndiko kune ruponeso.
7
Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; Harishamisi muromo waro padare.
8
Anorangarira kuita zvakaipa, Achanzi navanhu mwene wezvakashata.
9
Mufungo woupenzi zvivi; Mudadi anonyangadza vanhu.
10
Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, Simba rako ishoma.
11
Rwira vanoiswa kurufu; Novourayiwa usarega kuvadzosa.
12
Kana ukati, “Tarirai, hatina kuzviziva;” Ko iye anoidza mwoyo, haazvioni here? Naiye anochengeta mweya wako, haazvizivi here? Ko iye haangapi mumwe nomumwe zvakaenzana nebasa rake here?
13
Mwanakomana wangu, idya uchi, nokuti hwakanaka; Nomusvi unozipa pamukanwa wako.
14
Uchaona kuti ndizvo zvichaita uchenjeri kumweya wako; Kana wahuwana, mubairo uchavapo, Nezvakatarira hazvingaparadzwi.
15
Iwe munhu akaipa, usavandira panogara wakarurama; Usaparadza paanozorora.
16
Nokuti munhu akarurama angawa kanomwe, achisimukazve; Asi vakaipa vanowisirwa pasi nenjodzi.
17
Usafarisisa kana muvengi wako achiwa; Kana achiwisirwa pasi, mwoyo wako ngaurege kufara.
18
Kuti Jehovha arege kuzviona, zvisamufadza, Akazodzora kutsamwa kwake kwaari.
19
Usatsamwa nokuda kwavaiti vezvakaipa; Uye usagodora vakaipa.
20
Nokuti munhu akaipa haana mubairo; Mwenje wakaipa uchadzimwa.
21
Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo; Usafambidzana navanongosishanduka.
22
Nokuti nhamo yavo ichamuka pakarepo; Nokuguma kwamakore avo, ndiani achazviziva?
23
Zvirevo izviwo zvakabva kuna vakachenjera, Kutsaura vanhu pakutonga hazvina kunaka.
24
Anoti kune wakaipa, “Akarurama,” Vanhu vachamutuka, nendudzi dzichamusema.
25
Asi vanomuraira, vachaitirwa zvakanaka; ropafadzo yakanaka ichauya pamusoro pavo.
26
Anopindura namashoko akarurama, Atsvoda nemiromo.
27
Gadzira basa rako kunze, Uzvigadzirire iro pamunda; Pashure ugovaka imba yako.
28
Usava chapupu chinopomera wokwako asina mhosva; Usanyengedzera nemiromo yako.
29
Usati, “Sezvaakandiitira, ndizvo zvandichamuitirawo; Ndicharipira munhu sezvaakaita iye.”
30
Ndakapfuura napamunda wesimbe, Napamunda wemizambiringa womunhu anoshaiwa njere;
31
Tarirai, akanga angomera minzwa chete; Munda wose wakanga wakafukidzwa norukato, Norusvingo rwawo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.
32
Ipapo ndakacherechedza, ndikanatsofunga; Ndakaona, ndikadzidziswa.
33
Kumbovata zvishomanene, kumbotsimwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore;
34
Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu akashonga nhumbi dzokurwa.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31