bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Proverbs 4
Proverbs 4
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 5 →
1
Imi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; Teererai, muzive njere.
2
Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murairo wangu.
3
Nokuti ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu, Mwana oga akadikanwa kwazvo, namai vangu;
4
Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri, “Mwoyo wako ngaunatsobata mashoko angu; Chengeta mirairo yangu, urarame.
5
Zviwanire uchenjeri, zviwanire njere; Regai kukanganwa kana kutsauka pamashoko omuromo wangu;
6
Usaurasha, hugokuchengeta; Uude, hugokurinda.
7
Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo.
8
Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira.
9
Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; Huchakuisira korona inobwinya.”
10
Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; Makore oupenyu hwako agova mazhinji.
11
Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama.
12
Kana uchifamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi; Kana uchimhanya, haungagumburwi.
13
Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza; Ukuchengete, nokuti ndihwo upenyu hwako.
14
Usapinda pagwara ravakaipa, Usafamba nenzira yavakashata.
15
Uinzvenge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuure hako.
16
Nokuti havavati, kana vasingaiti zvakashata; Vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe.
17
Nokuti vanodya zvokudya zvezvakaipa, Nokunwa waini yokumanikidza.
18
Asi gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, Chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.
19
Nzira yavakaipa yakaita serima; Havazivi chingavagumbusa.
20
Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; Rerekera nzeve yako kune zvandinoreva.
21
Urambe uchitarira, Uachengete mukati momwoyo mako.
22
Nokuti ndihwo upenyu kuna vanoawana, Noukukutu hwemuviri wavo vose.
23
Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; Nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.
24
Bvisa kwauri nhema dzomuromo; Kutsauka kwemiromo ngakuve kure newe.
25
Meso ako ngaarurame pakutarira; Mafungiro ameso ako ngaatarire mberi kwako.
26
Gadzirira tsoka dzako gwara; Nzira dzako dzose dzive dzakasimba.
27
Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; Rutsoka rwako urubvise pane zvakaipa.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31