bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Proverbs 3
Proverbs 3
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 4 →
1
Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; Asi mwoyo wako ngauchengete mirairo yangu;
2
Nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, Namakore oupenyu, norugare.
3
Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pahwendefa romwoyo wako;
4
Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMwari navanhu.
5
Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako.
6
Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose.
7
Usazviti ndakachenjera; Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa;
8
Zvichava mushonga womuviri wako, Nomongo wamapfupa ako.
9
Kudza Jehovha nezvaunazvo, Uye nezvitsva zvazvose zvawakawana;
10
Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, Makate ako achapfachuka newaini itsva.
11
Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; Usaneta nokuraira kwake.
12
Nokuti Jehovha anoraira mudikanwa wake; Sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira.
13
Munhu, awana uchenjeri, anomufaro, Naiye munhu, anowana njere.
14
Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; Nokupfuma nahwo kunopfuura kupfuma nendarama.
15
Unokosha kupfuura korari; Hakuna pfuma yako ingaenzaniswa nahwo.
16
Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; Muruoko rwahwo rworuboshwe mune pfuma nokukudzwa.
17
Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; Makwara ahwo ose ndoorugare.
18
Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; Mumwe nomumwe anohubata anomufaro.
19
Jehovha akateya pasi nouchenjeri; Wakasimbisa kudenga–denga nenjere.
20
Mvura iri makadzika yakadzutuka nezivo yake; Denga rose rakadonha dova.
21
Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako; Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara.
22
Ipapo zvichava upenyu hwomweya wako; Noukomba pamutsipa wako.
23
Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba; Rutsoka rwako harungagumburwi.
24
Kana uchivata pasi haungatyi; Uye kana wavata pasi hope dzako dzichava dzakanaka.
25
Usatya hako chivhunduso chinokuwira kamwe–kamwe, Kunyangwe kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika;
26
Nokuti Jehovha achava chivimbo chako; Achachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa.
27
Munhu, akafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka Kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.
28
Usati kune wokwako, “Enda, ugodzokazve, Mangwana ndichakupa;” Kana uchinge unazvopo.
29
Usafunga kuitira wokwako zvakaipa, Zvaanogara hake newe achikutenda.
30
Usarwa nomunhu pasina chipomerwa, Kana asina kukuitira zvakaipa.
31
Usagodora munhu anomanikidza; Usatevera kunyangwe nomumwe wemitoo yake.
32
Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; Asi ano hukama navakarurama.
33
Kutukwa naJehovha kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ugaro hwavakarurama.
34
Kana vari vadadi, anovadadira, Asi vanozvininipisa anovaitira nyasha.
35
Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31