bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Proverbs 29
Proverbs 29
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 30 →
1
Munhu akarairwa kazhinji, achiomesa mutsipa wake, Achaparadzwa pakarepo, kusina chingamubatsira.
2
Kana vakarurama vowanda, vanhu vanofara; Asi kana munhu wakaipa achibata ushe, vanhu vanogomera.
3
Ani naani anoda uchenjeri, anofadza baba vake; Asi anoshamwaridzana nezvipfeve, anorasha pfuma yake.
4
Mambo anosimbisa nyika yake noruenzaniso; Asi munhu wemitero, anoiparadza.
5
Munhu anobata wokwake kumeso, Anodzikira tsoka dzake mumbure.
6
Pakudarika kwomunhu akashata pano musungo; Asi wakarurama achaimba nokufara kwazvo.
7
Akarurama anoziva kururamisira mhaka dzavarombo; Asi akaipa haanzwisisi zivo.
8
Vadadi vanopisira guta; Asi vakachenjera vanodzora kutsamwa.
9
Kana munhu akarurama ane mhaka nebenzi, Iye achatsamwa nokuseka, asi hakungavi nezororo.
10
Vanhu veropa vanovenga akarurama; Asi vakarurama vanotsvaka kuraramisa mweya wake.
11
Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose; Asi munhu akachenjera anodzidzora nokudzinyaradza.
12
Kana mubati achiteerera nhema, Varanda vake vose vachava vakaipa.
13
Murombo nomunhu anomanikidza vanosangana pamwechete; Jehovha anovhenekera meso avose.
14
Mambo, anoruramisira varombo nokutendeka, Chigaro chake chichasimbiswa nokusingaperi.
15
Shamhu nokuraira zvinouyisa huchenjeri; Asi mwana wangoregwa hake anonyadzisa mai vake.
16
Kana vakaipa vowanda, kudarika kuwandawo; Asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.
17
Rairira mwanakomana wako, agokuzorodza; Zvirokwazvo achafadza mweya wako.
18
Kana Jehovha asingazviratidzi, vanhu vanoramba kudzorwa; Asi anochengeta murairo, ano mufaro.
19
Muranda angaramba kurairirwa namashoko bedzi; Nokuti, kunzwisisa anonzwisisa hake, asi haane hanya nazvo.
20
Unoona munhu unokurumidza kutsamwa? Benzi riri nani kuna iye.
21
Kana munhu achirera muranda wake zvakanaka kubva pahuduku hwake, Pakupedzisira achada kuva mwanakomana.
22
Munhu wakatsamwa anomutsa kukakavara; Munhu ane hasha anokudarika kuzhinji.
23
Kuzvikudza kwomunhu kuchamudukupisa; Asi ano mweya anozvininipisa, achakudzwa.
24
Ani naani anoshamwaridzana nembavha, anovenga mweya wake; Anonzwa kupikwa, asi haareururi chinhu.
25
Kutya munhu kunouyisa musungo; Asi ani naani anovimba naJehovha, achachengetwa.
26
Vazhinji vanotsvaka nyasha yomubati; Asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha.
27
Munhu asakarurama anonyangadza akarurama; Uye akarurama panzira dzake anonyangadza akaipa.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31