bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Kings 12
2 Kings 12
Shona 2009?
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 13 →
1
Zvino negore rechinomwe raJehu, Jehoashi wakatanga kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi mana; zita ramai vake rakanga riri Zibhia weBheerishebha.
2
Jehoashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha mazuva ake ose, aakadzidziswa nawo nomuprista Jehoyadha.
3
Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro nokupisa zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira.
4
Zvino Jehoashi akati kuvaprista, "Mari yose yezvinhu zvakatsaurwa, inoiswa mumba maJehovha, mari yavanhu vakaverengwa, nemari yavose sezvavakatarirwa mumwe nomumwe, nemari yose, inoiswa mumba maJehovha nomumwe nomumwe nomoyo wake,
5
vaprista ngavatore mari iyo, mumwe nomumwe kumuzikamwi wake, vagadzire zvakaputsika patemberi pose pose pavanowana pakaputsika."
6
Asi negore ramakumi maviri namatatu ramambo Jehoashi vaprista vakanga vachigere kugadzira zvakaputsika paimba.
7
Zvino mambo Jehoashi akadana muprista Jehoyadha navamwe vaprista, akati kwavari, "Munoregereiko kugadzira zvakaputsika paimba? Naizvozvo zvino chiregai kutora mari kuvazikamwi venyu, asi muibudisire zvakaputsika patemberi."
8
Vaprista vakatenda kusatora mari kuvanhu, kunyange kugadzira zvakaputsika patemberi.
9
Asi muprista Jehoyadha wakatora bhokisi, akabvovora buri pachifunhiro charo, akarigadzika kurutivi rwearitari, kurudyi rwomunhu, kana achipinda paimba yaJehovha.
10
Zvino vakati kana vaona kuti mari zhinji yavamo mubhokisi, munyori wamambo nomuprista mukuru ndokuuya, ndokuisa muhomwe, vachiverenga mari yakawanikwa mumba maJehovha.
11
Vakaisa mari yakayerwa mumaoko avaibata basa iro, vaitarira temberi yaJehovha; zvino vairipira nayo vavezi navavaki vaibata patemberi yaJehovha,
12
navaironga navaiveza mabwe, vakatenga matanda namabwe akavezwa okugadzirisa nawo zvakaputsika patemberi yaJehovha, nokuripira zvose zvaidikamwa kuzogadzirisa nazvo temberi.
13
Asi havana kuitira temberi yaJehovha mikombe yesirivha, nembato dzemwenje, nembiya, nehwamanda, nemidziyo yendarama, nemidziyo yesirivha, nemari yakaiswa temberi yaJehovha,
14
nokuti vakaiisa kuna vaibata basa, kuti vagadzirise temberi yaJehovha nayo.
15
Uye havana kuzobvunza vanhu avo, vavaipa mari mumaoko avo, kuzoripira vaibata basa; nokuti ivo vaibata vakatendeka.
16
Asi mari yezvipiriso zvemhosva, nemari yezvipiriso zvezvivi, hazvina kuiswa mumba maJehovha; yakapiwa vaprista.
17
Zvino Hazaeri mambo weSiria wakaenda kundorwa neGati, akarikunda, Hazaeri akaringira chiso chake kuenda Jerusaremu.
18
Asi Jehoashi mambo waJudha, wakatora zvinhu zvose zvakatsaurwa, zvakanga zvatsaurwa namadzibaba ake, Jehoshafati, naJehoramu, naAhazia, madzimambo aJudha, nezvinhu zvake zvose zvakatsaurwa, nendarama yose yakawanikwa pafuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akazvituma kuna Hazaeri mambo weSiria; iye akabva Jerusaremu.
19
Mamwe mabasa aJoashi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
20
Zvino varanda vake vakasimuka, vakarangana, vakauraya Joashi paimba yaMiro, panzira inoburukira Sira.
21
Nokuti Jozakari mwanakomana waShimeati, naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri, varanda vake, vakamubaya, akafa; vakamuviga kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Amazia mwanakomana wake akamutevera paushe.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25