bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Kings 21
2 Kings 21
Shona 2009?
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 22 →
1
Manase wakatanga kubata ushe ava namakore ane gumi namaviri; akabata ushe makore makumi mashanu namashanu paJerusaremu; zita ramai vake raiva Hefizibha.
2
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatevera zvinonyangadza zvavahedheni vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
3
Nokuti wakavakazve matunhu akakwirira, akanga aparadzwa nababa vake Hezekia; akamutsira Bhaari aritari, akaisapo danda rokunamata naro, sezvakaita Ahabhi mambo waIsiraeri; akanamata hondo dzose dzokudenga, akadzishumira.
4
Akavaka aritari mumba maJehovha, kunyange Jehovha akanga ati, "PaJerusaremu ndipo pandichaisa zita rangu."
5
Akavakira hondo dzose dzokudenga aritari muvazhe mbiri dzeimba yaJehovha.
6
Akapinza mwanakomana wake mumoto, akatenda mashura, akaita mazango, akagadza masvikiro navauki; akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, ndokumutsamwisa nazvo.
7
Akaisa mufananidzo wedanda rokunamata naro raakaveza mumba makanzi naJehovha kuna Dhavhidhi nokuna Soromoni mwanakomana wake, "Ndichaisa zita rangu nokusingaperi paimba ino napaJerusaremu, randakazvitsaurira pakati pamarudzi ose aIsiraeri.
8
Handichazofambisa-fambisa tsoka dzavaIsiraeri kunze kwenyika yandakapa madzibaba avo; kana vachichenjerachetekuita zvandakavaraira, nomurayiro wose wavakarairwa naMozisi muranda wangu."
9
Asi havana kuteerera; Manase akavatsausa vakaita zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
10
Jehovha akataura navo navaporofita varanda vake, akati,
11
"Manase mambo waJudha zvaakaita zvinonyangadza izvi, akaita zvakaipa kupfuura zvose zvakaitwa navaAmori vakamutangira, akatadzisawo Judha nezvifananidzo zvake.
12
Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, `Tarirai, ndichauyisira Jerusaremu naJudha zvakaipa zvikadai, kuti vose vanozvinzwa nzeve dzavo dzichaunga.
13
Ndichayera Jerusaremu norwozi rwandakayera Samaria narwo, uye norwozi rwandakaruramisa imba yaAhabhi narwo; ndichapisika Jerusaremu somunhu unopisika ndiro, unoipisika akaitsindikira.
14
Ndicharasha vakasara venhaka yangu, ndivaise mumaoko avavengi vavo; vachapedzwa nokuparadzwa navaven.gi vavo vose;
15
nokuti vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakanditsamwisa, kubva pazuva rokubuda kwamadzibaba avo paIjipiti kusvikira zuva ranhasi.' "
16
Manase akateurawo ropa rakawanda risine mhosva, kusvikira azadza Jerusaremu kubva kurutivi rumwe kusvikira kuno rumwe rutivi; zvivi zvake zvaakatadzisa Judha nazvo, achiita zvakaipa pamberi paJehovha, zvisingaverengwi.
17
Zvino mamwe mabasa aManase, nezvose zvaakaita, nezvivi zvake zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
18
Manase akavata namadzibaba ake, akavigwa mumunda weimba yake, mumunda waUza; Amoni mwanakomana wake akamutevera paushe.
19
Amoni wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namaviri akabata ushe paJerusaremu makore maviri; zita ramai vake rakanga riri Meshuremeti, mukunda waHaruzi weJotibha.
20
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita Manase baba vake.
21
Akafamba nenzira yose yakafambwa nababa vake, akashumira zvifananidzo zvakashumirwa nababa vake, akazvinamata;
22
akasiya Jehovha Mwari wamadzibaba ake, akasafamba nenzira yaJehovha.
23
Zvino varanda vaAmoni vakamurangana vakamumukira, vakauraya mambo mumba make.
24
Asi vanhu venyika iyo vakazouraya vose vakarangana vakamukira mambo Amoni; vanhu venyika iyo vakaita mwanakomana wake Josiya mambo panzvimbo yake.
25
Zvino mamwe mabasa aAmoni aakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
26
Akavigwa muhwiro hwake mumunda waUza; Josiya mwanakomana wake akamutevera paushe.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25