bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Kings 23
2 Kings 23
Shona 2009?
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 24 →
1
Zvino mambo akatuma vanhu vakaunganidza vakuru vose veJudha naveJerusaremu.
2
Mambo akakwira kumba kwaJehovha, anavarume vose vaJudha, navose vakanga vagere Jerusaremu, navaprista navaporofita, navanhu vose, vaduku navakuru, akavaravira mashoko ose ebhuku yesungano yakawanikwa mumba maJehovha.
3
Mambo akamira pambiru, akaita sungano pamberi paJehovha, akazvisunga kutevera Jehovha, nokuchengeta mirairo yake nezvipupuriro, nezvaakatema, nomoyo wake wose nomweya wake wose, kuti asimbise mashoko esungano iyi, akanga akanyorwa mubhuku iyi, vanhu vose vakasimbisa sungano iyo.
4
Ipapo mambo akaraira muprista mukuru Hirikia, navaprista vaimutevera, navatariri vomukova, kuti vabudise patemberi yaJehovha nhumbi dzose dzakanga dzaitirwa Bhaari neAshera nehondo dzose dzokudenga, akadzipisa kunze kweJerusaremu muruwa rwaKidhironi, akaisa madota adzo paBhetieri.
5
Akaparadza vaprista vezvifananidzo, vakanga vagadzwa namadzimambo aJudha kuti vapise zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira mumaguta aJudha, nenzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, uye vose vaipisa zvinonhuhwira kuna Bhaari, nezuva, nomwedzi, nenyeredzi, nehondo dzose dzokudenga.
6
Akabudisawo Ashera mumba maJehovha, akaiisa kunze kweJerusaremu kurukova rwaKidhironi, akaipisa parukova rwaKidhironi, akaikuya ikaita madota, akakanda madota ayo pamusoro pamarinda avarombo.
7
Akaputsawo dzimba dzavaSodhomu, dzakanga dziri paimba yaJehovha, pairukira vakadzi machira eAshera.
8
Akabudisa vaprista vose mumaguta aJudha, akashatisa matunhu akakwirira, paipisira vaprista zvinonhuhwira, kubva paGebha kusvikira paBheeri-shebha; akaputsa matunhu akakwirira pamasuo, aiva pavanopinda napo pasuo raJoshua mubati weguta, aiva kuruboshwe rwomunhu kana opinda nesuo reguta.
9
Asi vaprista vamatunhu akakwirira havazaikwira kuaritari yaJehovha paJerusaremu, asi vaidya zvingwa zvisina kuviriswa vari pakati pehama dzavo.
10
Akashatisa Tofeti raiva pamupata wavana vaHinomi, kuti kurege kuva nomunhu unopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto nokuda kwaMoreki.
11
Akaputsa mabhiza akanga apiwa namadzimambo kuzokudza zuva pavanopinda napo paimba yaJehovha, pakamuri yaNatanimereki mutariri weimba yomukati yakanga iri pabiravira, akapisa ngoro dzezuva.
12
Akaputsawo aritari dzaiva pamusoro pedenga rekamuri yokumusoro yaAhazi, dzakanga dzavakwa namadzimambo aJudha, nearitari dzakanga dzavakwa naManase muvazhe mbiri dzeimba yaJehovha, akadzikoromora, akakanda guruva radzo murukova Kidhironi.
13
Mambo akashatisawo matunhu akakwirira aiva pamberi peJerusaremu, aiva kurudyi rwegomo rokuparadza, akanga avakirwa Ashitoreti, mwari unonyangadza wavaZidhoni, naKemoshi, mwari unonyangadza waMoabhu, naMirikomi, mwari unonyangadza wavana vaAmoni, naSoromoni mambo waIsiraeri.
14
Akaputsanyawo shongwe dzamabwe, akaparadza matanda okunamata nawo, ndokuzadza nzvimbo yazvo namapfupa avanhu.
15
Uye aritariwo yaiva paBhetieri nedunhu rakakwirira rakavakwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, iye wakatadzisa Isiraeri, aritari iyo nedunhu iro rakakwirira akazviputsa, akapisa dunhu rakakwirira, akariputsanya rikaita huruva, akapisa danda rokunamata naro.
16
Zvino Josiya wakati achitendeuka, akaona marinda aiva mugomo, akatuma vanhu vakatora mapfupa aiva mumarinda, vakaapisa paaritari iyo, akaishatisa sezvakanga zvataurwa neshoko raJehovha rakaparidzwa nomunhu waMwari, iye wakadeya kuparidza zvinhu izvi.
17
Zvino akati, "Shongwe iyi yandinoona ndeyeiko?" Vanhu veguta vakati kwaari, "Ndiro rinda romunhu waMwari, wakadeya kubva kwaJudha, akaparidza zvinhu izvo zvamakaitira aritari yeBhetieri."
18
Akati, "Ngaazorore hake; ngakurege kuva nomunhu unobvisa mapfupa ake." Naizvozvo vakarega mapfupa ake pamwechete namapfupa omuporofita wakanga abva Samaria.
19
Uye dzimba dzose dzamatunhu akakwirira dzaiva pamaguta eSamaria, dzakanga dzakavakwa namadzimambo aIsiraeri, vakatsamwisa Jehovha nadzo, idzo dzakabviswa naJosiya, akadziitira zvose zvaakaita paBhetieri.
20
Akauraya vaprista vose vamatunhu akakwirira vaivapo, pamusoro pearitari, akapisira pamusoro padzo mapfupa avanhu; akadzokera Jerusaremu.
21
Zvino mambo akaraira vanhu vose, akati, "Itirai Jehovha Mwari wenyu Pasika, sezvakanyorwa mubhuku iyi yesungano."
22
Zvirokwazvo, havana kumboita Pasika yakadai, kubva pamazuva avatongi vaitonga Isiraeri, kana pamazuva ose amadzimambo aIsiraeri, kana madzimambo aJudha.
23
Asi negore re gumi namasere ramambo Josiya vakaitira Jehovha Pasika iyi paJerusaremu.
24
Josiya akabvisawo masvikiro ose, navaroyi, namaterafimi, nezvifananidzo, nezvose zvinonyangadza, zvakawanikwa munyika yaJudha napaJerusaremu, kuti asimbise mashoko omurayiro, akanga akanyorwa mubhuku yakawanikwa mumba maJehovha naHirikia muprista.
25
Hakuna mambo wakamutangira wakanga akafanana naye, wakatendeukira kuna Jehovha nomoyo wake wose, nomweya wake wose, nesimba rake rose, achitevera murayiro wose waMozisi; uye hakuna mumwe wakamutevera wakanga akafanana naye.
26
Kunyange zvakadaro Jehovha haana kushandura kutsamwa kwake kukuru, kwakamutsa hasha dzake kuna Judha, nokuda kokutsamwisa kose kwaakatsamwiswa nako naManase.
27
Jehovha akati, "NaJudhawo ndichavabvisa pamberi pangu, sezvandakabvisa Isiraeri; ndicharamba guta iri reJerusaremu, randakazvitsaurira, neimba yandakati pamusoro payo, `Zita rangu richagarapo.' "
28
Zvino mamwe mabasa aJosiya, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
29
Pamazuva ake Farao-neko mambo weIjipiti, akandorwa namambo weAsiria kurwizi Yufuratesi, mambo Josiya akandorwa naye; asi wakati amuona, Farao-neko akamuuraya paMegidho.
30
Varanda vake vakamutakura nengoro afa, vakabva naye paMegidho, vakamuisa Jerusaremu, vakamuviga muhwiro hwake. Zvino vanhu venyika vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya, vakamuzodza, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake.
31
Jehoahazi wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namatatu, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu. Zita ramai vake rakanga riri Hamutari, mukunda waJeremiya weRibhina.
32
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaita madzibaba ake pazvose.
33
Asi Farao-neko wakamusunga paRibhira munyika yeHamati, kuti arege kubata ushe paJerusaremu; akateresa nyika matarenda esirivha ane zana, netarenda rimwe rendarama.
34
Farao-neko akaita Eriakimu mwanakomana waJosiya mambo panzvimbo yaJosiya baba vake, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu; asi wakaenda naJehoahazi, akasvika Ijipiti, ndokufirako.
35
Jehoyakimu akapa Farao sirivha nendarama, asi wakateresa nyika kuti agone kuripa mari sezvaakarairwa naFarao; akaripisa vanhu venyika sirivha nendarama, mumwe nomumwe sezvaakamutarira, kuti aipe Farao-neko.
36
Jehoyakimu wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe. Zita ramai vake rakanga riri Zebhidha mukunda waPedhaya weRuma.
37
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaita madzibaba ake pazvose.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25