bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Kings 22
2 Kings 22
Shona 2009?
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 23 →
1
Josiya wakatanga kubata ushe ava namakore masere; akabata ushe paJerusaremu makore makumi matatu nerimwe; zita ramai vake rakanga riri Jedhidha mukunda waAdhaya weBhozikati.
2
Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akafamba nenzira yose yaDhavhidhi baba vake, haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.
3
Zvino negore regumi namasere ramambo Josiya, mambo akatuma munyori Shafani mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMeshurami, kumba kwaJehovha, akati,
4
"Enda kuna Hirikia muprista mukuru, umuudze averenge mari inoiswa mumba maJehovha, yakaunganidzwa navatariri vomukova kuvanhu;
5
vaipe mumaoko avabati vebasa, vanotarira temberi yaJehovha; ivo vaipe vabati vebasa vari mumba maJehovha, kuti vagadzirise zvakaputsika paimba;
6
ivo vavezi, navavaki, navanoronga mabwe, uye vatenge nayo matanda, namabwe akavezwa, kuti vagadzire temberi."
7
Asi havana kubvunzwa pamusoro pemari yakaiswa mumaoko avo, nokuti vaibata vakatendeka.
8
Ipapo Hirikia muprista mukuru akati kuna Shafani munyori, "Ndawana bhuku yomurayiro mumba maJehovha." Hirikia akapa Shafani bhuku yomurayiro, iye akairava.
9
Zvino Shafani munyori akasvika kuna mambo, akadzoka neshoko kuna mambo, akati, "Varanda venyu vadurura mari yakawanikwa mumba, vakaipa mumaoko avabati vebasa, vanotarira imba yaJehovha."
10
Shafani munyori akati kuna mambo, "muprista Hirikia wandipa bhuku." Shafani akariravira mambo.
11
Zvino mambo wakati achinzwa mashoko ebhuku yomurayiro, akabvarura nguvo dzake.
12
Mambo akaraira muprista Hirikia, naAhikami mwanakomana waShafani, naAkibhori mwanakomana waMikaya, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, akati,
13
"Endai mundondibvunzira Jehovha, ini navanhu vavaJudha vose, pamusoro pamashoko ebhuku iyi yakawanikwa; nokuti kutsamwa kwaJehovha kwaakatitsamwira nako kukuru kwazvo, nokuti madzibaba edu havana kuteerera mashoko ebhuku iyi, havana kuita zvose zvatakarairwa."
14
Naizvozvo muprista Hirikia, naAhikami, naAkibhori, naShafani, naAsaya vakaenda kuna Huridha muporofitakadzi, mukadzi waSharumi mwanakomana waTikiva, mwanakomana waHarahasi, muchengeti wenguvo; (zvino iye mukadzi wakanga agere paJerusaremu kurutivi rutsva rweguta;) vakataurirana naye.
15
Iye akati kwavari, "Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Udzai munhu wakakutumai kwandiri muti,
16
zvanzi naJehovha, tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavagerepo, iwo mashoko ose ebhuku yakarahwa namambo weJudha;
17
nokuti vakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuhwira, vakanditsamwisa namabasa ose amaoko avo, naizvozvo kutsamwa kwangu kuchamukira nzvimbo iyi; hakungadzimwi.'
18
"Asi muti kuna mambo waJudha wakakutumai kuzobvunza Jehovha, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, kana ari mashoko awakanzwa,
19
moyo wako zvawakanga uri munyoro, ukazvininipisa pamberi paJehovha, nguva yawakanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavageremo, kuti vachaitwa dongo nechinhu chakatukwa, wakabvarura nguvo dzako, wakachema pamberi pangu; zvino zvanzi naJehovha, Ini ndakunzwawo.'
20
Naizvozvo, tarira, ndichakuisa kuna madzibaba ako, uchavigwa muhwiro hwako norugare, meso ako haangawoni zvakaipa zvose zvandichauyisa pamusoro penzvimbo iyi." Vakadzoka neshoko kuna mambo.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25