bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Timothy 1
2 Timothy 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
1
Pauro, muapositora waJesu Kristu, nokuda kwaMwari, nokuda kwechipikirwa chovupenyu bwuri munaKristu Jesu,
2
kunaTimotio, mwana wangu unodikamwa: Nyasha, nengoni, norugare, zvinobva kunaMwari Baba, naKristu Jesu, Ishe wedu, ngazvive newe.
3
Ndinovonga Mwari, wandinoshumira samadziteteguru angu, nehana yakachena, kana ndichiramba ndichikurangarira pakukumbira kwangu vusiku namasikati,
4
ndichishuva zvikuru kukuvona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nomufaro;
5
ndichiyevudzwa kutenda kusinganyengeri kuri mauri, kwaimbogara pakutanga muna mbuya vako Roisi, nomuna mai vako, vaJunika kwandinoziva kwazvo kuti kunogaravo mauri.
6
Nemhaka iyi ndinokuyevudzira kuti ukuchidzire chipiwa chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamavoko angu.
7
Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya asi wesimba, noworudo, nowechokwadi.
8
Naizvozvo usanyadziswa nokupupurira Ishe wedu, kana ini, musungwa wake, asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kweevhangeri nesimba raMwari,
9
wakatiponesa, akatidana nokudana kutsvene, zvisingabvi pamabasa edu, asi nokufunga kwake, nenyasha dzaakatiitira munaKristu Jesu nguva dzisati dzavapo,
10
asi kwakaratidzwa zvino nokuvonekwa koMuponesi wedu, Kristu Jesu, iye wakaparadza rufu, akabudisa pachena vupenyu nokusavora nenzira yeevhangeri,
11
yandakaitwa muparidzi, nomuapositora, nomudzidzisi waVahedheni.
12
Nemhaka iyi ndinotambudzika vo nezvinhu izvi, asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, ndinoziva kwazvo, kuti unogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva irero.
13
Batisisa zvawakaratidzwa zvamashoko akarurama, izvo zvawakanzwa kwandiri mukutenda norudo ruri munaKristu Jesu.
14
Icho chakanaka, chawakapiwa, uchichengete noMweya Mutsvene unogara matiri.
15
Unozviziva hako kuti vose vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo panaFigero naHermogene.
16
Ishe ngaaitire imba yaOnesiforo ngoni, nokuti kazhinji wakandisimbisa, asi nganyadziswi neketani yangu.
17
Asi wakati asvika Roma, akanditsvaka zvikuru, akandiwana.
18
(Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kunaShe nezuva irero); newe unoziva kwazvo vukuru bwokushumira kwake paEfeso.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4