bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Timothy 3
2 Timothy 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
1
Zvino uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika.
2
Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasati vari vatsvene,
3
vasinorudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanehasha, vasingadi zvinhu zvakanaka,
4
vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuvura Mwari;
5
vanomufananidzochetewokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako; ufuratire vanhu ivavavo.
6
Nokuti pakati pavo varipo vanopinda mudzimba vachiverevedza, vachitapa zvikadzi zvakaremedzwa nezvivi, zvinokwebwa nokuchiva kuzhinji,
7
zvinongogara zvichidzidza, asi hazvitongogoni kusvika pakuziva chokwadi.
8
Jane naJambre sezvavakadzivisa Mozisi, saizvozvo ivo vanodzivisa chokwadi, vari vanhu vanendangariro dzakavodzwa, vakarashika pakutenda.
9
Asi havachapfuvuriri mberi, nokuti vupenzi bwavo bwuchavonekwa navose, sezvakazoita bwavo.
10
Asi iwe wakatevera kudzidzisa kwangu, nomufambire, nokufunga, nokutenda, nomoyo murefu, norudo, nokutsungirira,
11
namatambudziko, nenhamo, izvo zvakandiwira paAntiokia, napaIkonio, napaRistra; matambudziko makuru sei andakanzwa pazvinhu izvozvo zvose Ishe wakandisunungura.
12
Zvino, navose vanoda kunamata Mwari munaKristu Jesu vachatambudzwa.
13
Asi vanhu vakaipa navanyengeri va chanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.
14
Asi iwe, rambira pane zvawakadzidza zvikasimbiswa kwauri, uzive kuti wakazvidzidza kuna ani,
15
kuti kubvira pavucheche bwako wakaziva Manyoro Matsvene anogona kukupa vuchenjeri bwunoisa kukuponeswa nokutenda kuri munaKristu Jesu.
16
Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama,
17
kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4