bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Timothy 4
2 Timothy 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
1
Ndinokupupurira kwazvo naizvozvo pamberi paMwari, naShe Jesu Kristu, iye uchatonga vapenyu navakafa pakuvonekwa kwake novushe bwake;
2
paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira; raira, tuka, ranga nomoyo murefu zvikuru nokudzidzisa.
3
Nokuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, asi, vachida kufadzwa panzeve dzavo, vachizvivunganidzira vadzidzisi pakuchiva kwavo,
4
vachifuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitsaukira kungano.
5
Asi iwe svinura pazvinhu zvose, tambudzika, bata basa romuevhangeri, upedzise basa rako kwazvo.
6
Nokuti ini ndotodururwa, nguva yokuenda kwangu yasvika.
7
Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda;
8
kubva zvino ndakachengeterwa, korona yokururama, yandichapiwa naShe, Mutongi wakarurama, nezuva irero; ndisini ndoga, asi navose vanoda kuvonekwa kwake.
9
Shingaira kuti ukurumidze kuvuya kwandiri.
10
Nokuti Dhemasi wakandisiya, akada nyika yazvino. Akaenda Tesaronika; Kreske wakaenda Garatia, naTito wakaenda Dharmatia.
11
Ruka oga uneni. Tora Mako uvuye naye nokuti unondibatsira kwazvo pabasa.
12
Asi Tikiko ndakamutuma Efeso.
13
Nguvo yandakasiya paTroa kunaKarpo, uvuye nayo pakuvuya kwako, nebhuku, zvikuru magwaro amatebwe.
14
Areksandro, mupfuri wendarira, wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe uchamutsiva paakaita napo;
15
newevo umuchenjere, nokuti wakadzivisa zvikuru mashoko edu.
16
Pakuzvidavirira kwangu kokutanga kwakanga kusino munhu wakandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kuravirwa izvozvi.
17
Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwazvo kuparidza kwangu, vahedheni vose vanzwe; ndikarwirwa pamuromo weshumba.
18
Ishe uchandirwira pamabasa ose akaipa, uchandiponesa ndipinde vushe bwake bwokudenga; kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni.
19
Ndikwazisirei Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo.
20
Erasto wakasara paKorinde, asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara.
21
Shingaira kuvuya, chando chisati chasvika. Yubhuro, naPudhe, naRina, naKraudhia nehama dzose vanokukwazisa.
22
Ishe Jesu Kristu ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive nemi. Ameni.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
All chapters:
1
2
3
4