bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Timothy 2
2 Timothy 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
1
Naizvozvo iwe, mwana wangu, iva nesimba munyasha dziri munaKristu Jesu.
2
Izvo zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, uzvipe vanhu vakatendeka, vanogona vo kudzidzisa vamwe.
3
Utambudzike pamwe chete neni, somurwi wakanaka waKristu Jesu.
4
Hakunomunhu unorwa papfumo unozvipinganidza namabasa ovupenyu bwuno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo.
5
Nomunhuvo kana achivivana navamwe, haashongedzwi korona, kana asina kuvivana sezvakarairwa.
6
Murimi unobate-basa ndiye unofanira kutanga kudya zvibereko.
7
Funga zvandinoreva, nokuti Ishe uchakupa kunzwisisa pazvinhu zvose.
8
Rangarira Jesu Kristu wakamuka kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi, sezvandinoparidza paevhangeri yangu;
9
yandinotambudzikira kusvikira pakusungwa somunyangadzi; asi shoko raMwari harina kusungwa.
10
Saka ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavakasanangurwa, kuti naivo vawane kuponeswa kuri munaKristu Jesu, pamwe chete nokubwinya kusingaperi.
11
Ishoko rechokwadi; nokuti kana tikafa pamwe chete naye, tichararama vo pamwe chete naye.
12
Kana tikatsungirira, tichabata vushe pamwe chete naye; kana tikamuramba, iye uchatirambavo.
13
Kana isu tisakatendeka, iye unoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi iye.
14
Uvayevudzire zvinhu izvi, uvaraire pamberi paMwari, kuti varege kuita nharo dzisina maturo, zvinongoparadza vanonzwa.
15
Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu wakatendeka, mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko rechokwadi.
16
Nzvenga kutaura kusinehanya naMwari; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusanamata Mwari,
17
neshoko ravo richanyenga seronda; pakati pavo kunaHimenayo naFireto;
18
ivo vakarashika pachokwadi, vachiti, kumuka kwavakafa kwatopfuvura, vachikanganisa kutenda kwavamwe.
19
Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzinechisimbiso ichi: Ishe unoziva vanhu vake; vuye: Mumwe nomumwe unoreva zita raShe ngaabve pakusarurama.
20
Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirvheri bedzi, asi mimwe yamatanda vo, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi.
21
Naizvozvo kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, uchava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka.
22
Asi tiza kuchiva kovujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwe chete navanodana kunaShe nomoyo wakachena.
23
Asi urambe mibvunzo yovupenzi nokusaziva, uchiziva kuti zvinobereka kukakavara.
24
Zvino muranda waShe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, unoziva kudzidzisa, unotsungirira pakuitirwa zvakaipa,
25
unodzidzisa novunyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendevuka vagoziva chokwadi,
26
vapengenukezve, vabve pamusungo waDhiabhorosi, wavakanga vakabatwa naye kuti vaite kuda kwake.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4