bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Colossians 1
Colossians 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
1
Pauro, muapositora waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimotio, hama yedu,
2
kuvatsvene nehama dzakatendeka munaKristu vari paKorose: Nyasha ngadzive nemi, norugare zvinobva kunaMwari, Baba vedu.
3
Tinovonga Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu, nguva dzose kana tichikunyengetererai,
4
zvatakanzwa zvokutenda kwenyu munaKristu Jesu, norudo rwamunarwo kuvatsvene vose,
5
pamusoro petariro yamakachengeterwa kudenga, yamakanzwa kare pashoko rechokwadi reevhangeri;
6
iyo yakasvika kwamuri, sezvayakasvika panyika yosevo; ichibereka zvibereko, ichikura, sezvainoita kwamurivo, kubvira pazuva ramakanzwa nokuziva kwazvo nyasha dzaMwari muchokwadi;
7
sezvamakadzidza kunaEpafrasi, muranda pamwe chete nesu, unodikamwa, mushumiri wakatendeka waKristu nokuda kwenyu,
8
iye wakativudzavo zvorudo rwenyu muMweya.
9
Saka nesuvo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatiregi kukunyengetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kose komeya;
10
kuti mufambe sezvinofanira Ishe, muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo;
11
muchisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubwinya kwake, muve nomoyo murefu, nomufaro;
12
muvonge Baba, vakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yavatsvene muchiedza.
13
vakatisunungura pasimba rerima, vakatiisa muvushe bwoMwanakomana worudo rwavo;
14
watinedzikinuro maari, ndiko kukangamwirwa kwezvivi zvedu.
15
Ndiye mufananidzo waMwari usingavonekwi, dangwe rezvisikwa zvose;
16
nokuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kudenga napanyika, zvinovonekwa nezvisingavonekwi, kana zviri zvigaro zvovushe kana vushe, kana vabati, kana masimba; zvinhu zvose zvakasikwa naye, zviripo nokuda kwake.
17
Ndiye unotangira zvose, zvose zvakabatana maari.
18
Ndiye musoro womuviri, ndiyo kereke; ndiye wokutanga, dangwe ravakamuka kuvakafa; kuti iye ave mukuru pazvinhu zvose.
19
Nokuti Baba vakafara nazvo, kuti kuzara kose kugare maari,
20
kuti naye ayananise zvinhu zvose kwaari, amboita rugare neropa romuchinjikwa wake; naiye, kunyange zviri panyika, kunyange zviri kudenga.
21
Nemivo, kare maiva vaeni navavengi pakufunga kwenyu pamabasa enyu akaipa,
22
asi zino wakakuyananisai pamuviri wenyama yake, nokufa kwake, kuti akuisei pamberi pake muri vatsene, musinemhosa, musingapomerwi,
23
kana muchingorambira pakutenda, makateyiwa, mumire makasimba, musingabviswi patariro yeevhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga; iyo evhangeri yandakaitwa mushumiri wayo, ini Pauro.
24
Zvino ndinofara pakutambudzika kwangu nokuda kwenyu, ndichizadzisa panyama yangu zvakasara pamatambudziko aKristu, nokuda komuviri wake, iyo kereke;
25
iyo yandakaitwa mushumiri wayo sezvandakagoverwa naMwari pamusoro penyu, kuti ndizadzise shoko raMwari;
26
ndicho chakavanzika, chakanga chakafukidzwa kubvira pakutanga kwenguva nendudzi, asi zvino chakaratidzwa vatsvene vake;
27
kunaivo Mwari waakada kuvazivisa vufumi bwokubwinya kwechakavanzika ichochi pakati pavahedheni, chokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubwinya;
28
iye watinoparidza isu, tichiraira munhu mumwe nomumwe, tichidzidzisa munhu mumwe nomumwe novuchenjeri bwose, kuti tiise munhu mumwe nomumwe akakwana munaKristu;
29
ndizvo zvandinobatiravo, ndichirwa, zvichiitwa nokubata kwake kunobata mukati mangu nesimba.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4