bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Colossians 2
Colossians 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
1
Nokuti ndinoda kuti muzive kurwa kukuru kwandinako pamusoro penyu, navari paRaodikia, navose vasina kumbovona chiso changu panyama;
2
kuti moyo yavo isimbiswe, vasunganidzwe murudo, vave nefuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti vazive kwazvo chakavanzika chaMwari, iye Kristu;
3
maari fuma yose yovuchenjeri nokuziva yakachengetwa.
4
Ndinoreva izvi, kuti kurege kuva nomunhu unokurashai namashoko anonyengera.
5
Nokuti kunyange ndisipo panyama, ndiripo nemwi pamweya, ndinofara ndichivona kunzwana kwenyu, nokusimba kokutenda kwenyu munaKristu.
6
Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu, Ishe, fambai maari,
7
munemidzi yenyu nokuvakwa kwenyu maari, makasimbiswa pakutenda, sezvamakadzidziswa, muchinyanya kuvonga.
8
Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu novuchenjeri, nokunyengera kusinamaturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu.
9
Nokuti kuzara kovuMwari kunogara maari pamuviri.
10
Maari nemivo makazadzwa, iye musoro wa vabativose namasimba;
11
iye wamakadzingiswavo maari nokudzingiswa kusingaitwi namavoko, muviri wenyama uchibviswa, nokudzingiswa kuri kwaKristu;;
12
maakavigwa pamwe chete naye pakubhabhatidzwa, pamakamutswavo pamwe chete naye nokutenda kwenyu simba raMwari wakamumutsa kuvakafa.
13
Nemi, imwi makanga makafa pakudarika kwenyu napakusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakupai vupenyu pamwe chete naye, akatikangamwira kudarika kwedu kose,
14
akadzima rugwaro rwakanga ruchirwa nesu pazvirevo zvarwo, ruchipesana nesu; akarubvisa irwo pakati pedu, akarurovera pamuchinjikwa;
15
akaparadza vabati namasimba, akavabudisa pachena, akavakunda mauri.
16
Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo unokutongai pazvokudya, kana zvokumwa, kana nokuda komusi womutambo, kana pakugara komwedzi, kana pasabata;
17
izvi mumvuri wezvichavuya; asi muviri ndowaKristu.
18
Munhu ngaarege kuvapo unokutorerai mubairo wenyu namavune, nokuzvininipisa nokunamata vatumwa, achivimba nezvaakavona, achizvikudza pasina nokufunga kwenyama,
19
asingabatisisi Musoro, uyo, maari muviri wose unosanganiswa nokusunganidzwa nezvisungo namarunda, ndokukura nokukurisa kwaMwari.
20
Zvino kana makafa pamwe chete naKristu kunezvokuvamba zvenyika, munozviisireiko pasi pemirairo, somugere munyika,
21
mirairo inoti: Usabata, usaravira, usagunzva,
22
(izvi zvose zvinofanira kuparadzwa kana zvobatwa nazvo); muchitevera mirairo nedzidziso dzavanhu?
23
Zvinhu zvakadai zvakaita sezvinovuchenjeri, pakunamata Mwari nokuda kwavo, nokuzvininipisa, nokutambudza muviri; asi hazvina simba rokukunda kuchiva kwenyama.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4