bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Colossians 3
Colossians 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
1
Naizvozvo, kana makamutswa pamwe chete naKristu, tsvakai zviri kumusoro, uko kunaKristu, ugere kurudyi rwaMwari.
2
Fungai zviri kumusoro, musafunga zviri pasi.
3
Nokuti makafa, vupenyu bwenyu bwakavigwa pamwe chete naKristu munaMwari.
4
Kana Kristu, iye vupenyu bwedu, achivonekwa, nemivo muchavonekwa pamwe chete naye pakubwinya.
5
Naizvozvo vurayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Vupombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva, ndiko kunamata zvifananidzo.
6
Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaMwari kunovuya pamusoro pavanavokusateerera;
7
nemivo maifamba mazviri kare, maigara muzvinhu izvi.
8
Asi zvino, imivo, bvisai izvi zvose, zvinoti: Hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu.
9
Regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare, namabasa ake,
10
mukafuka munhu mutsva, unovandudzwa pakuziva, afanane nowakamusika;
11
apo hapana muGiriki nemuJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, musungwa kana wakasununguka;asi Kristu ndiye zvose, uye uri munavose.
12
Naizvozvo, savasanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikamwa, fukai moyo unetsitsi, nomoyo munyoro, nokusazvikudza, novunyoro, nomoyo murefu;
13
muitirane moyo murefu, muchikangamwirana, kana munhu anemhosva nomumwe; Kristu sezvaakakukangamwirai, muite saizvozvo nemivo.
14
Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.
15
Norugare rwaMwari ngaruteme zvirevo mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwavo mumuviri mumwe; ivai nokuvonga.
16
Shoko raKristu ngarigare mukati menyu riwande; nokuchenjera kose mudzidzisane, nokurairana namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvomweya, muimbire Mwari nenyasha mumoyo menyu;
17
uye zvose zvamunoita, kana zviri zveshoko kana basa, itai zvose nezita raShe Jesu, muchivonga Mwari Baba naye.
18
Vakadzi muzviise pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira munaShe.
19
Varume, idai vakadzi venyu, regai kuva nehasha navo.
20
Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti ndizvo zvakanaka munaShe.
21
Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuvora moyo.
22
Varanda, teererai pazvinhu zvose vatenzi venyu panyama; regai kubata pamberi pameso avo, savafadzi vavanhu, asi nomoyo wakarurama muchitya Mwari.
23
Zvose zvamunoita, muzviitei nomoyo wose, sokunaShe, musingaitiri vanhu;
24
muchiziva kuti muchapiwa naShe mubairo wenhaka; nokuti munobatira Ishe Kristu.
25
Nokuti unoita zvisakarurama, uchapiwa zvisakarurama zvaakaita; hazvizi zvinovonekwa zvomunhu zvinotendwa.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4