bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Colossians 4
Colossians 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
1
Madzishe, itirai varanda venyu zvakarurama, zvakaringana; muzive kuti nemivo munaShe kudenga.
2
Tsungirirai pakunyengetera, murinde pakuri nokuvonga;
3
mutinyengeterere nesuvo, kuti Mwari atizarurire mukova weshoko, titaure chakavanzika chaKristu, chandakasungirwa icho;
4
kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura.
5
Fambai nokuchenjera kunavari kunze, muchingwarira nguva. yenyu
6
Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita.
7
Muchaziviswa zvangu zvose naTikiko, hama inodikamwa, mushumiri wakatendeka, nomuranda pamwe chete neni munaShe.
8
Ndakamutuma iye kwamuri nemhaka iyi, kuti muzive zvedu, anyaradze moyo yenyu;
9
pamwe chete naOnesimo, hama yakatendeka, inodikamwa, mumwe wokwenyu. Ivo vachakuzivisai zvose zvapano.
10
Aristarko, musungwa pamwe chete neni, unokukwazisai, naMarko, hama yaBharnabhasi, (makarairwa pamusoro pake; kana achisvika, mumugamuchirei);
11
naJesu, unonzi Justo, vari vokudzingiswa; ndivavachetevanobata neni pavushe bwaMwari, ivo vakandinyaradza.
12
Epafrasi, mumwe wokwenyu, muranda waKristu Jesu, unokukwazisai, achirwa nguva dzose pakunyengetera nokuda kwenyu, kuti mumire makakwana, muchiziva kwazvo kuda kose kwaMwari.
13
Nokuti ndinomupupurira, kuti unotambudzika zvikuru nokuda kwenyu, naveRaodikia, naveHirapori.
14
Ruka, chiremba unodikamwa, naDhemasi, vanokukwazisai.
15
Ndikwazisirei hama dziri Raodikia, naNimfa, nekereke iri mumba mavo.
16
Kana mwadhi iyi yarabwa pakati penyu, ngairabwevo mukereke yavaRaodikia; imivo murave mwadhi inobva Raodikia.
17
Vudzai Arkipo, muti: Tarira basa rawakapiwa naShe, kuti uripedzise kwazvo.
18
Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruvoko rwangu. Rangarirai kusungwa kwangu. Nyasha ngadzive nemi.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
All chapters:
1
2
3
4