bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ecclesiastes 10
Ecclesiastes 10
Shona 2009?
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 11 →
1
Nhunzi dzakafa dzinonhuhwisa nokuodza chizoro chomuvenganisi wezvinonhuhwira; saizvozvo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa.
2
Moyo womunhu wakachenjera uri kurudyi rwake, asi moyo webenzi uri kuruboshwe rwake.
3
Zvirokwazvo, kana benzi richifamba panzira, rinoshaiwa njere; rinozivisa vose kuti ndiri benzi.
4
Kana kutsamwa komubati kukakumukira, usabva panzvimbo yako; nokuti unyoro hunonyaradza mhosva huru.
5
Chinhu chakaipa chiripo chandakaona pasi pezuva, kuri kutadza kunobva kuvabati.
6
Upenzi hunoiswa pakakwirira, asi vafumi vanogara pakaderera.
7
Ndakaona varanda vakatasva mabhiza, namachinda achifamba pasi savaranda.
8
Anochera gomba, achawiramo amene; ani naani anokoromora rusvingo, nyoka ichamuruma.
9
Ani naani anoputsa mabwe, angakuvadzwa nawo; uye anobanzura huni, ari panjodzi.
10
Kana simbi yagomara, munhu akasairodza, anofanira kunyanya kubata nesimba; asi uchenjeri hunobatsira pakururamisa.
11
Kana nyoka ikaruma isati yarapwa namazango, n'anga haibatsiri.
12
Mashoko anobva mumuromo woakachenjera, anofadza; asi miromo yebenzi inomumedza iye.
13
Kutanga kwamashoko omuromo waro upenzi; nokuguma kokutaura kwaro upengo hwakashata.
14
Benzi rinowanzawo mashoko; asi munhu haazivi zvichavapo; ndiani angamuzivisa zvichazovapo shure kwake?
15
Kubata kwamapenzi kunonetsa mumwe nomumwe wavo; nokuti haatongozivi nzira yokuenda nayo kuguta.
16
Iwe nyika une nhamo, kana mambo wako ari mwana, kana machinda ako achiita mutambo mangwanani.
17
Unomufaro, iwe nyika, kana mambo wako ari mwanakomana wavakakudzwa, kana machinda ako achiita mutambo panguva yakafanira, kuti asimbiswe, asingaitiri kubatwa.
18
Nousimbe denga reimba rinosakara; nokusabata kwamaoko imba inodonha.
19
Mutambo unoitirwa kuseka, uye waini inofadza upenyu; zvose zvingawanikwa nemari.
20
Usatuka mambo, kunyange pakufunga kwako; usatuka mufumi paimba yako yokuvata; nokuti shiri yokudenga ingatakura inzwi, uye izvo zvinamapapiro zvingazivisa shoko.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12