bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ecclesiastes 12
Ecclesiastes 12
Shona 2009?
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
1
Rangarirawo Musiki wako pamazuva ovujaya bwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo; panguva yauchazoti handifariri izvozvo;
2
zuva nechiedza, nomwedzi, nenyeredzi zvisati zvasvibiswa, makore achidzoka kana mvura yapfuura;
3
zuva iro, kana vatariri veimba vachidedera, varume vane simba vachikotama, vakuyi vachirega basa ravo, nokuti vava vashoma; navanotarira napamahwindo vasvibirwa;
4
mikova ichizarirwa inobudira kunzira dzokumusha, nenzwi rokukuya richidedera; kana achimuka nenzwi reshiri, navaimbi vose vasinganzwiki zvakanaka.
5
Zvirokwazvo vachatya zvakakwirira, nezvinotyisa zvichanzi zviri panzira; muamanda uchatumbuka maruva, nemhashu ichazvikwekweredza, uye kuda kose kuchapera; nokuti munhu anoenda kumusha wake usingaperi, vachemi va chafamba-famba panzira dzomumusha;
6
rwonzi rwesirivha rusati rwadamburwa, mbiya yendarama isati yaputswa, chirongo chisati chaputswa patsime, nechichereso chinomonerwa chisati chavhunikira pachitubu,
7
guruva risati radzokera kuvhu, sezvarakanga rakaita; uye mweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.
8
Zvanzi noMuparidzi, "Hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo!"
9
Zvino, Muparidzi zvaakanga ari munhu akachenjera, akapfuura achidzidzisa vanhu zivo; akarangarira, nokunzvera, nokurongedza zvirevo zvizhinji.
10
Muparidzi wakatsvaka kuti awane mashoko anofadza, uye zvakanyorwa nomoyo wakarurama, ari mashoko ezvokwadi.
11
Mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso; sembambo dzakaroverwa kwazvo, ndizvo zvakaita mashoko akaunganidzwa, akapiwa noMufudzi mumwechete.
12
Uyezve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.
13
Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri, "Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.
14
Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe, pamwechete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa."
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12