bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ecclesiastes 11
Ecclesiastes 11
Shona 2009?
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 12 →
1
Kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura, nokuti uchazviwanazve mazuva mazhinji apfuura.
2
Goverana navanomwe, kunyange navaserewo, nokuti hauzivi zvakaipa zvakadini zvingava panyika.
3
Kana makore azara nemvura, anoidururira panyika; uye kana muti ukawira pasi kurutivi rwezasi, kana rwokumusoro, ipo panowira muti ndipo pauchavata.
4
Anogara achicherekedza mhepo haangakushi; uye anotarira makore, haangacheki.
5
Sezvausingazivi mafambiro wemhepo, kana makuriro amapfupa mudumbu romukadzi ane mimba, saizvozvowo hauzivi basa raMwari, anoita zvose.
6
Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; nokuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.
7
Zvirokwazvo, chiedza chakanaka, uye meso anofara nokuona zuva.
8
Zvirokwazvo, kana munhu akararama makore mazhinji, ngaafarire ose; asi ngaarangarire mazuva erima, kuti achava mazhinji; zvose zvinozouya hazvina maturo.
9
Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, moyo wako ngaukufadze pamazuva ohujaya hwako; famba nenzira dzomoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.
10
Dzinga zvinonetsa pamoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako, nokuti uduku noujaya hazvinamaturo.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12