bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ecclesiastes 5
Ecclesiastes 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 6 →
1
Ngwarira rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari; nokuti kuswedera kuzonzwa kunopfuura kubayira chibayiro chamapenzi; nokuti havazivi kuti vanoita zvakaipa.
2
Usakurumidza nomuromo wako, moyo wako urege kukurumidza kutaura shoko pamberi paMwari; nokuti Mwari ari kudenga, iwe uri pasi; naizvozvo mashoko ako ngaave mashoma.
3
Nokuti kurota kunouya namabasa mazhinji, nenzwi rebenzi namashoko mazhinji.
4
Kana uchinge wapikira Mwari mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti iye haafariri mapenzi; ripa zvaunopika.
5
Zviri nani kuti urege kupika, pakuti upike usingaripi.
6
Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumwa waMwari, Yakanga iri mhosho; Mwari achatsamwireiko inzwi rako,akaparadza basa ramaoko ako?"
7
Nokuti pakurota kuzhinji napamashoko mazhinji pane zvisina maturo zvizhinji; asi iwe utye Mwari.
8
Kana uchiona murombo achimanikidzwa, nokururamisa nokururama zvichibviswa nesimba panyika, usashamiswa nazvo; nokuti mukuru kuvakuru vose anocherekedza; vamwe variko vakuru kwavari.
9
Nokuti nyika inobatsirwa zvikuru nechinhu ichi, mambo anofarira kurimiwa kweminda.
10
Anoda sirivha, haangagutswi nesirivha, naiye anoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda; naizvozvo hazvina maturo.
11
Kana fuma ichiwanda, vadyi vanowandawo; mwene wayo anobatsirwei, asi kungoona nameso ake.
12
Hope dzomunhu, unobata, dzakanaka, kana achidya zvishoma kana zvizhinji; asi kuguta komufumi hakumutenderi kuvata.
13
Kune chinhu chakaisvoipa, chandakaona pasi pezuva, fuma inochengetwa nomwene wayo, ichimuonesa nhamo.
14
fuma iyo inopera nechinhu chakaipa chinomuwira; kana achinge abereka mwanakomana, haana chinhu muruoko rwake.
15
Sezvaakabuda mudumbu ramai vake, achadzokazve asina chinhu, sezvaakabuda; haana chaakatamburira, chaangatora, chaangaenda nacho muruoko rwake.
16
Nechinhu ichi chakaisvoipawo, kuti pazvose, sezvaakauya, saizvozvo achaendazve; zvino achawaneiko, zvaakatamburira mhepo?
17
Mazuva ake osewo anodya murima, anotambudzika kwazvo; anourwere neshungu.
18
Tarirai, zvandakaona kuti zvakanaka, zvinofanira munhu, ndiko kuti adye, amwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kose kwaanobata pasi pezuva, mazuva ose oupenyu hwake hwaakapiwa naMwari; nokuti ndiwo mugove wake.
19
Munhu mumwe nomumwewo, akapiwa naMwari fuma nezvakawanda, akapiwawo simba kuti azvidye nokutora icho chipo chinobva kuna Mwari.
20
Nokuti iye haangarangariri zvikuru mazuva oupenyu hwake, nokuti Mwari anopindura pamufaro womoyo wake.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12