bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Galatians 2
Galatians 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 3 →
1
Zvino, makore anegumi namana akati apfuvura, ndakakwira zveJerusarema naBharnabhasi, ndikaendavo naTitosi.
2
Ndakakwira nokuda kokuratidzwa; ndikarondedzera pamberi pavo evhangeri yandinoparidza pakati pavahedheni, asi kuna vakanga vachikudzwa vari voga, kuti zvimwe ndirege kumhanyira pasina, kana kuti zvimwe ndatomhanyira pasina.
3
Asi naTitosi, waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe;
4
nokuda kwehama dzenhema, vakanga vapinzwa nokunyanga, vakanga vapinda pakavanda kuti vashore kusununguka kwedu kwatinako munaKristu Jesu, kuti vatisunge;
5
hatina kuvatsedukira ivava, tichivateerera nguva imwe; kuti chokwadi cheevhangeri chirambe ichigara nemi.
6
Zvino kana vari ivo vanonzi vakuru handine mhaka kuti vaiva vakadini kare; Mwari haatendi zvinovonekwa zvomunhu kana vari ivo vanonzi vakuru, havana kundiwedzera chinhu;
7
asi ivo vakati vavona kuti ini ndakapiwa evhangeri kunovasina kudzingiswa, saPetro kuna vakadzingiswa;
8
(nokuti iye wakapa Petro simba rokuva muapositora kuna vakadzingiswa, ndiye wakapavo ini simba rokuva muapositora kuvahedheni);
9
vakati vavona nyasha dzandakanga ndapiwa, Jakobho, naKefasi, naJohwani avo vainzi mbiru vakatibata isu tose naBharnabhasi namavoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kuna vakadzingiswa;
10
vakada chete kuti tirangarire varombo; ndizvo zvandakashingairiravo kuti ndizviite.
11
Zvino Kefasi wakati asvika Antiokia ndakamudzivisa pachena, nokuti wakanga anemhosva.
12
Nokuti vamwe, vakanga vabva kunaJakobho, vasati vasvika, iye waidya navahedheni; asi vakati vasvika, akadzoka, akazviravura, achitya vakadzingiswa.
13
Navamwe vaJudha vakaita mano-manovo pamwe chete naye; zvikaita kuti naiye Bharnabhasivo akatsauswa namano-mano avo.
14
Asi ndakati ndichivona kuti havafambi zvakarurama nechokwadi cheevhangeri, ndakati kunaKefasi pamberi pavose: Kana iwe, uri muJudha, uchifamba savahedheni, usingaiti savaJudha, unoroverera seiko vahedheni, kuti vafambe savaJudha?
15
Isu vaJudha pakuzvarwa kwedu, tisati tiri vatadzi vanobva kuvahedheni,
16
zvatinoziva kuti munhu haaruramiswi namabasa omurairo, asi nokutenda kunaKristu Jesu, nesuvo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kunaKristu, tirege kururamiswa namabasa omurairo; nokuti hakune nyama icharuramiswa namabasa omurairo.
17
Zvino kana isu pakutsvaka kwedu kururamiswa munaKristu, tikawanikwa tiri vatadzivo timene, ko Kristu wava mushumiri wezvivi here? Haisva!
18
Nokuti kana ndikavaka zve izvo zvandamboputsa, ndinozviita mudariki.
19
Nokuti nomurairo ini ndakafa kumurairo, kuti ndirarame kunaMwari,
20
Ndakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu unorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari; wakandida akazvipa nokuda kwangu
21
Handikonesi nyasha dzaMwari nokuti kana kururamiswa kuchibva kumurairo, Kristu wakafa pasina.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6