bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Galatians 5
Galatians 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
1
Kristu wakatisunungura kuti tive vakasununguka; naizvozvo mirai nesimba, murege kusungwa zve nejoko rovuranda.
2
Tarirai, ini Pauro, ndinoti kwamuri, kuti kana muchidzingiswa, Kristu haangakubatsiriyi chinhu.
3
Ndinopupurira mumwe nomumwe unodzingiswa, kuti iye unengava rokuti aite murairo wose.
4
Makaparadzaniswa naKristu, iyemi munoda kururamiswa nomurairo; mabudiswa panyasha.
5
Nokuti isu noMweya tinomirira nokutenda tariro yokururamiswa.
6
Nokuti munaKristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvibatsiri chinhu; asi kutenda kunobata norudo.
7
Makanga muchimhanya zvakanaka; ndianiko wakakudzivisai kuti murege kuteerera chokwadi?
8
Hamuna kugombedzerwa naiye wakakudanai.
9
Mbiriso shoma inovirisa bundu rose.
10
Ndinotenda pamusoro penyu munaShe, kuti hamungatongorangariri chimwe chinhu; asi uyo, unokupesanisai uchafanira hake kutongwa, kunyange ari aninani.
11
Asi ini, hama dzangu, kana ndichiparidza kuti vanhu vadzingiswe, ndinoramba ndichitambudzwa neiko? Naizvozvo kugumbusa komuchinjikwa kwabviswa.
12
Dai avo vanokupesanisai vachizviguravo.
13
Nokuti imi, hama dzangu, makadanirwa kusununguka; asi kusununguka kwenyu ngakurege kuva nzira yenyama, asi batiranai norudo.
14
Nokuti murairo wose unozadziswa neshoko rimwe chete, rokuti: Ude wokwako sezvaunozvida iwe;
15
asi kana muchirumana nokudyana, chenjerai kuti murege kupedzana.
16
Zvino ndinoti: Fambai noMweya, ipapo hamungaiti kuchiva kwenyama.
17
Nokuti nyama inochiva ichirwa noMweya, noMweya uchirwa nenyama; nokuti izvi zvinorwisana; kuti murege kuita zvamunoda.
18
Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamuzi pasi pomurairo.
19
Zvino mabasa enyama anovonekwa, anoti: Vupombwe, netsvina, novutere,
20
nokunamata zvifananidzo, novuroyi, nokuvengana, negakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka,
21
nokugodorana, nokuvuraya nokubatwa, nokutamba kwakaipa, nezvinhu zvakadai; izvo zvandinokuvudzai zvino, sezvandakambokuvudzai kare, kuti vanoita zvakadai havangadyi nhaka yovushe bwaMwari.
22
Zvino chibereko choMweya ndirwo rudo, nomufaro, norugare, nomoyo murefu, nomoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka.
23
novunyoro, nokuzvidzora; hakuna murairo unodzivisa zvinhu zvakadai.
24
Asi avo vari vaKristu Jesu vakarovera pamuchinjikwa nyama, pamwe chete nokuda kwayo, nokuchiva kwayo.
25
Kana tichirarama noMweya, ngatifambevo noMweya,
26
tirege kuzvikudza, tichimutsana moyo, tichigodorana.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6