bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Galatians 3
Galatians 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 4 →
1
imwi vaGaratia vokusafunga, ndianiko wakakurunzirai, kuti murege kuteerera chokwadi iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pameso enyu akaroverwa pamuchinjikwa pakati penyu?
2
Ichechichetendinoda kunzwa kwamuri: Makapiwa Mweya namabasa omurairo here, kana nokunzwa kokutenda?
3
Muri vokusafunga vakadaro seiko? Makatanga muMweya, ko zvino mopedzisa munyama here?
4
Makatambudzika zvikuru mukadai pasina here? Kana zvaiva pasina hazvo!
5
Naizvozvo uyo unokupai Mweya, nokuita mabasa esimba pakati penyu, unozviita izvo namabasa omurairo here, kana nokunzwa kokutenda?
6
Abhurahamu sezvaakatenda kunaMwari kukanzi kwaari ndiko kururama.
7
Naizvozvo zivai kuti vokutenda ndivo vana vaAbhurahamu.
8
Norugwaro zvarwakaziva zviri mberi kuti Mwari ucharuramisa vahedheni nokutenda, rwakaparidza evhangeri kare kunaAbhurahamu, ruchiti: Mauri marudzi ose acharopafadzwa.
9
Naizvozvo vokutenda vanoropafadzwa pamwe chete naAbhurahamu, wakatenda.
10
Nokuti vose vari vamabasa omurairo, vari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakatukwa vose vasingarambiri pazvinhu zvose zvakanyorwa mubuku yomurairo, kuti vazviite.
11
Zvino, zvinovonekwa kuti hakunomunhu unoruramiswa nomurairo pamberi paMwari, nokuti: Wakarurama uchararama nokutenda.
12
Zvino murairo haubvi pakutenda; asi uyo wakaita zvinhu izvozvi uchararama nazvo.
13
Kristu wakatidzikunura pakutuka komurairo, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti!
14
Kuti kuropafadzwa kwaAbhurahamu kusvike kuvahedheni munaJesu Kristu; kuti tipiwe nokutenda chipikirwa choMweya.
15
Hama dzangu, ndinoreva nokureva kwavanhu, ndichiti: Kunyange iri sungano yavanhu hayo, kana yasimbiswa, hakunomunhu unoikonesa kana kuwedzera kwairi.
16
Zvino, izvo zvipikirwa zvakarebwa kunaAbhurahamu nokumwana wake. Haarevi, achiti: Kuvana vako, savanenge vari vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti; Kumwana wako; uyu ndiye Kristu.
17
Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti; Sungano yakasimbiswa kare naMwari, munaKristu, haitorerwi simba rayo nomurairo wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuvura, kuti chipikirwa chikoneswe.
18
Nokuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchipikirwa;; asi Mwari wakaipa Abhurahamu nokupikira.
19
Naizvozvo murairo chinyiko? Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana wakapikirwa izvozvo achizovuya; iwo wakarairwa navatumwa noruvoko rwomurevereri.
20
Zvino murevereri haazi womumwe chete, asi Mwari ndomumwe.
21
Ko murairo unorwisana nezvipikirwa zvaMwari here? Haisva! Nokuti dai vakanga vapiwa murairo waigona kuraramisa, zvirokwazvo Kururamiswa kungadai kwakabva kumurairo.
22
Asi Rugwaro rwakapfigira zvose pasi pezvivi, kuti chipikirwa chinobva pakutenda munaJesu Krisitu chipiwe vanotenda.
23
Asi kutenda kusati kwasvika, taichengetwa pasi pomurairo, takapfigirwa nokuda kokutenda kwaizoratidzwa.
24
Saizvozvo murairo wakanga uri muperekedzi wedu, kutiisa kunaKristu kuti tiruramiswe nokutenda.
25
Zvino kutenda zvakwakasvika, hatichiri pasi pomuperekedzi.
26
Nokuti imwi mose muri vana vaMwari nokutenda munaKristu Jesu;
27
nokuti vose pakati penyu, vakabhabhatidzwa munaKristu, makafuka Kristu.
28
Hakuchina muJudha kana muGiriki, hakuchina wakasungwa kana wakasununguka, hakuchina munhurume kana munhukadzi; nokuti imwi mose muri vamwe munaKristu Jesu.
29
Zvino kana muri vaKristu, muri vana vaAbhurahamu, vadyi venhaka sezvamakapikirwa.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6