bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Galatians 4
Galatians 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 5 →
1
Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achiri mwana, haatongosiyani nomuranda, kunyange ari ishe wazvose;
2
asi uri pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa.
3
Saizvozvo nesuvo, tichiri vana, takanga takasungwa pasi pezvokuvamba zvenyika;
4
zvino nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, wakaberekwa nomukadzi, wakaberekwa pasi pomurairo,
5
kuti adzikinure vari pasi pomurairo, kuti tipiwe vumwana bwedu.
6
Zvino zvamuri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya woMwanakomana wake mumoyo menyu, unodana, achiti: Aba, Baba!
7
Saka iwe hauchiri muranda, asi mwanakomana; kana wava mwanakomana, wava mudyi wenhaka yaMwari muna Kristu.
8
Asi nenguva iyo, zvamakanga musingazivi Mwari, maiva varanda vavamwari vasati vari vechokwadi;
9
asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozikamwa naMwari modzokerazve seiko kune zvokuvamba zvisine simba, zvovurombo, muchidazve kutanga kuva varanda vazvo?
10
Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore.
11
Ndinotya pamusoro penyu, kuti zvimwe ndakabate-basa kwamuri pasina.
12
Ndinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kundiitira chinhu chimwe chisakarurama;
13
zvino munoziva kuti ndakakuparidzirai evhangeri pakutanga nokuda kokurwara panyama;
14
nechinhu icho panyama yangu, chakanga chiri muidzo kwamuri, hamuna kuchizvidza, kana kuchisema; asi makandigamuchira somutumwa waMwari, saiye Kristu Jesu.
15
Zvino kufara kwenyu kuripiko? Nokuti ndinokupupurirai, kuti kana maigona, maitumbura meso enyu mukandipa iwo.
16
Zvino ndava muvengi wenyu, zvandakakuvudzai chokwadi here?
17
Vanokushingairirai nomutovo usakanaka; asi vanoda kukupfigirai kunze, kuti imwi muvashingairire.
18
Zvino zvakanaka kuti pachinhu chakanaka kushingairirwe nguva dzose, zvirege kuitwa kana ndiri kwamuri bedzi.
19
Vana vangu vaduku, vandinotamburira zve kubereka, kusvikira Kristu avumbwa mukati menyu.
20
Ndaida kuti ndive nemwi zvino, ndishandure inzwi rangu; nokuti ndinokanganiswa nokuda kwenyu.
21
Ndivudzei, imwi munoda kuva pasi pomurairo, hamuteereri murairo here?
22
Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahamu wakanga anavanakomana vaviri, mumwe womurandakadzi, mumwe womukadzi wakasununguka.
23
Zvino womurandakadzi wakaberekwa nenzira yenyama; asi womukadzi wakasununguka wakaberekwa sezvaakapikirwa.
24
Zvinhu izvi zvinofananidzira; nokuti vakadzi ava vaviri isungano mbiri; imwe inobva pagomo reSinai inobereka vana vovuranda ndiye Agari;
25
zvino Agari ndiro gomo reSinai muArAbhiya, rakaenzana neJerusarema razvino nokuti uri pavuranda iye navana vake
26
Zvino Jerusarema riri kumusoro rakasununguka ndivo mai vedu.
27
nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Fara, iwe usingabereki, usingazvari, Pururudza, udanidzire, iwe usingatamburi nokubereka, Nokuti vana vomusiyiwa vazhinji kunowaiye unomurume.
28
Zvino imi, hama dzangu, muri vana vokupikirwa saIsaka.
29
Asi sapanguva iyo, uyo wakaberekwa nenzira yenyama wakatambudza wakaberekwa nenzira yoMweya, zvakadarovo nazvino.
30
Asi Rugwaro runotiyiko? Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake; nokuti mwanakomana womurandakadzi haangadyi nhaka pamwe chete nomwanakomana wowakasununguka.
31
Saka, hama dzangu, hatizi vana vomurandakadzi, asi vowakasununguka.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6