bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Hosea 10
Hosea 10
Shona 2009?
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 11 →
1
VaIsiraeri muzambiringa unotanda zvakanaka, unobereka zvibereko zvawo; zvibereko zvavo zvakati zvichiwanda, vakawanzawo maaritari avo; nyika yavo yakati ichifara, ivo vakazviitirawo shongwe dzakanaka.
2
Mwoyo yavo inonyengera, zvino vachapiwa mhaka; acharova maaritari avo, achaparadza shongwe dzavo.
3
Zvirokwazvo, zvino vachati, "Hatina mambo, nokuti hatityi Jehovha; kana ari mambo angatiitireiko?"
4
Vanotaura mashoko asina maturo, vanopika nhema pakuita kwavo sungano; naizvozvo kutongwa kwavo kunomera somuti unouraya mumihoronga yomunda.
5
Vagere Samaria vachatya mhuru dzeBhetiavheni; nokuti vanhu varo vachaichema, navaprista varo vaiifarira, nokuda kokukudzwa kwayo, nokuti kwabva kwairi.
6
Ichaiswawo Asiria, chive chipo chamambo Jarebhi; Efuremu vachanyadziswa, Isiraeri vachanyadziswa namano avo.
7
Kana riri Samaria, mambo waro waparadzwa sechipande pamusoro pemvura.
8
Nzvimbo dzakakwirira dzeAvheniwo, izvo zvivi zvaIsiraeri, dzichaparadzwa; munzwa norukato zvichamera pamaaritari avo; zvino vachati kumakomo, "Tifukidzei," nokuzvikomo, "Wirai pamusoro pedu."
9
"Aiwa, Isiraeri, makatadza kubva pamazuva eGibhiya; ndipo pavakamira; ko vachakundwa nehondo inorwa navana vezvakaipa paGibhiya here?
10
Nguva yandinoda ndichavaranga; marudzi avanhu achavaunganira kana vakasungirwa pazvisakarurama zvavo zviviri.
11
"Efuremu itsiru rakapingudzwa, rinofarira kupura zviyo; asi ini ndimene ndasvika pamutsipa waro wakanaka, ndaisa mutasvi pamusoro paEfuremu; Judha vacharima, Jakobho achaputsa mavhinga ake.
12
Zvidzvarirei mukururama, mugocheka zvorudo; undai makombo enyu, nokuti inguva yokutsvaka Jehovha, kusvikira achiuya achikunisirai zvakarurama.
13
Makarima zvakashata, makacheka zvakaipa, makadya zvibereko zvenhema, nokuti makanga muchivimba nenzira yenyu, uye nokuwanda kwemhare dzenyu.
14
Naizvozvo bope richamuka pakati pavanhu venyu, nhare dzenyu dzose dzichaparadzwa, Sharimani sezvaakaparadza Bhetiaribheri nezuva rokurwa, mai vakaputsanyiwa pamwechete navana vavo.
15
Ndizvo zvamuchaitirwa neBhetieri nemhaka yokushata kwenyu kukuru; mambo waIsiraeri achaparadzwa chose mambakwedza."
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14