bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Hosea 5
Hosea 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 6 →
1
"Inzwai shoko iri, imwi vaprista, teererai imwi imba yaIsiraeri, rerekerai nzeve dzenyu, imwi imba yamambo; nokuti ndimi munotongwa; nokuti makanga muri musungo paMizipa, nomumbure wakadzikwa paRabhori.
2
Vakandimukira vakapinda kwazvo pakuora, asi ndichavatuka vose.
3
Ndinoziva Efuremu, Isiraeri havana kuvanzika pamberi pangu; nokuti zvino iwe Efuremu, wakapata, Isiraeri vakasvibiswa."
4
"Zvavakaita hazvivatenderi kudzokera kuna Mwari wavo; nokuti mweya wokufeva uri mukati mavo, havazivi Jehovha.
5
"Kuzvikudza kwaIsiraeri kunovapupurira pachena; saka Isiraeri naEfuremu vachagumburwa pazvakaipa zvavo, Judha vachagumburwawo pamwechete navo.
6
"Vachaenda namakwai avo nemombe dzavo kundotsvaka Jehovha, asi havangamuwani; akaenda kure navo.
7
Vakanyengera Jehovha, nokuti vakabereka vana vasati vari vavo; zvino mutambo wokugara komwedzi uchavapedza pamwechete neminda yavo.
8
"Ridzai mumanzi paGibhiyoni, nehwamanda paRama; ridzai mhere paBhetiavheni; vari shure kwako, iwe Bhenjamini!
9
"Nyika yaEfuremu ichaitwa matongo nezuva rokutukwa; ndakazivisa pakati paIsiraeri zvichazovapo zvirokwazvo.
10
"Machinda aJudha akafanana navanobvisa chiratidzo chemiganho; ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pawo semvura.
11
Efuremu wakamanikidzwa wakapwanyiwa nokutongwa, nokuti akanga achitenda kutevera murayiro wavanhu.
12
"Naizvozvo ndichava kuna Efuremu sechipfunho, uye sokuora kuimba yaJudha.
13
"Efuremu akati achiona kurwara kwake, naJudha vanga rake, Efuremu akaenda Asiria, akatuma nhume kuna mambo Jarebhi; asi iye haagoni kukuporesai, kana kuporesa vanga renyu.
14
"Nokuti ndichava seshumba kuna Efuremu, uye seshumba duku kuimba yaJudha; ini, iyeni, ndichabvambura ndokuenda; ndichavatapa, hakuna angavarwira.
15
"Ndichaenda ndichidzokera kunzvimbo yangu, kusvikira vatenda kutadza kwavo, vakatsvaka chiso changu; pakutambudzika kwavo vachanditsvaka nomwoyo wose."
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14