bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Hosea 11
Hosea 11
Shona 2009?
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 12 →
1
"Isiraeri achiri mwana muduku, ndaimuda, ndikadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.
2
Vaporofita vachinyanya kuvadana,, ivo vakanyanya kuvatiza; vakabayira vaBhaari, nokupisira zvifananidzo zvakavezwa zvinonhuhwira.
3
Kunyange zvakadaro ini ndakadzidzisa Efuremu kufamba; ndakavatakura mumaoko angu, asi havana kuziva kuti ndini ndakavaporesa.
4
Ndakavakakata namabote omunhu, nezvisungo zvorudo; ndakava kwavari somunhu anobvisa joko pashaya dzavo, ndikagadza zvokudya pamberi pavo.
5
"Havangadzokeri kunyika yeIjipiti, asi muAsiria ndiye achava mambo wavo, nokuti vakaramba kudzokera kwandiri.
6
Munondo uchava nehasha pakati pamaguta avo, uchapedza zvipfigiso zvavo nokuzviparadza, nemhaka yamano avo.
7
Vanhu vangu vanoramba vachida kudzokera shure vachindisiya; kunyange vachidamwa kune Wokumusoro, havatongosimuki.
8
Ndingakuregedza seiko, iwe Isiraeri? Ndingakuita seiko seAdhima? Ndingakuenzanisa seiko neZebhoimi? Mwoyo wangu washandukurwa mukati mangu, tsitsi dzangu dzamutswa pamwechete.
9
Handingaiti nokutsamwa kwangu kukuru, handingadzoki ndichiti ndiparadze Efuremu; nokuti ndiri Mwari, handizi munhu, ndini Mutsvene pakati penyu, handingauyi ndakatsamwa.
10
"Vachatevera Jehovha, achiomba seshumba; nokuti uchaomba, vana vachauya vachidedera vachibva mavirazuva.
11
"Vachauya seshiri vachibva Ijipiti, senjiva vachibva panyika yeAsiria; ini ndichavagarisa mudzimba dzavo," ndizvo zvinotaura Jehovha.
12
"Efuremu vakandikombera nenhema, uye imba yaIsiraeri nokunyengera; Judha vanongoramba vachipenga pamberi paMwari, pamberi paiye Mutsvene akatendeka.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14